Guta Ra Jehova
Lesson 126

Kuponeswa Kwe Muchena Pamberi Pe Hurumende

1 Akati magwanani eChina Matenga vabva mudivi , vakaenda mudhorobha kunowona D. C. Mudziti.

2 zvino Vasvika vakapihwa zvigaro vakagara.

3 Chinguvana ichocho pakauyawo mumwe murungu akati Matenga ungandiponesawo here?

4 zvino Matenga vakati tanga wareurura, ndozvanda kaurira zvacho izvozvi.

5 zvino murumgu uyu akareurura zvose zvakaipa zvake.

6 Apedza vateveri veMatenga Vakatangisa kuyimba.

7 Ipapo murungu uye akabatwa pamusoro akabva aponeswa ipapo.

8 D. C. zvakamushamisa kwazvo nevarungu vakanga varipo vakashamiswawo zvikuru.

9 zvino mukurumbira veMatenga wakazika nyika yose.

10 Vakagadzirirwa mushonga wemvura, vese vachena vakanga varipo vachizviwonerawo nemeso avo.

11 Mune varungu vazhinji zhinji vakauya kuzoponeswawo hosha dzavo dzakatsaukana.

12 Mumwe murungu akasimuka akati ini handina kureurura zvangu, asi kutendesa basa randawona pano.

13 Ndatumwa kubva kuAmereka zvino ndazviwonera ndega neBasa rinoshandwa pano.

14 Akatora mifananidzo mizhinji pamwe neyegwayana.

15 Mumwe minister wemuchena akabatwa pamusoro kare akaparidza zvakatyisa kwazvo.

16 Pakange pazere varungu nevanhu vatema.

17 Mukuparidza kwake ayiti ngatinamateyi Mwari watiri kuwona uyu.

18 vese murume nemukadzi anouya kuzoreurura zvitadzo zvake pamberi peMatenga akatoBerekwa patsva.

19 Tisanyengedzwe nemuye muno paridzwa musinga reurirwi.

20 Dai taziva kuti ava ndibaba tisingatauri nemiromo yedu, asi zvive mumwoyo yedu.

21 Kana tafa tichaawona Matenga .

22 Mu Highfields umu maiti vachena nevatema vese waiBudirwa nemadhimoni, vachiponeswa neMatenga. Amen.