Guta Ra Jehova
Lesson 167

Kuyimbwa Kwe Howa Dzoruponeso MuGuta RaJehova

1 Kuyimbwa kwehowa dzoruponeso kunoti kana ukakufungisisa, wuye ukaisa pfungwa kwakadzana kunotyisa vanhu vashe.

2 Kuwuya wehowa dzoruponeso munyika, rakanga riri shura munyika rekwenda kwavo mutenga.

3 nekuti kuwuya kwakaita howa idzi, Dzakanga dzauya kuzotora Matenga munyika.

4 Matenga vakasiya vadzisima munyika vakati vanangu howa dzoruponeso dzirikuyerera munyika.

5 Zvinoreva kuti ruponeso rwaMatenga haruzo gumi, ruri kuyerera bedzi siku nesikati.

6 Ndinodaro nekuti vanhu vari kupona, mhanje dzese dzemakore dziri kubereka vana.

7 zvavo vanodaira kuti takasanangana namusiki wanopona.

8 Muyimbirwe wakanga uciitwa howa wayishamisa vanhu vashe.

9 Tayiti tapinda mudivi Matenga vauyawo mudivi zuva ranga kuti kwire.

10 Nedzimwe nguva kunyanya musi weSvondo mangwanani vaiti vanangu nhasi kune howo yendayi mundopfeka hova dzenyu.

11 zvino varume nevakadzi vakanga vakakodzereswa neMatenga vayimhanyidzana kunopfeka.

12 Howa idzi dzayipfekiwa ngevakapfeka Jeneti , Miriyemu, nemasoja Vakapfeka mikwakwa.

13 Kuzoti Vauya mudivi nedzimwe nguva dzayiimbwa bedzi ngoma yichirira yacharowa mhumba.

14 Kana wuchida kuti wafemberi vabude, paiswa mabenji mairi, wuchiti vamwe uku wamwe nekubenji rekoko.

15 vazere vayiri vayimiswa pakati pedivi vamwe wachimiswa nechekuku.

16 zvino Matenga pekarepo vayi mira pakati pedivi vachiti izvozvi zvamawona vafemberi Vauya varimuno.

17 vakati vanangu zvavanonge vachipesana muno kudai mudivi .

18 Vakadaro vanangu mudenga mune matare ne matare iye zvino.

19 zvikanzi varikumumunetsereyiko vakatadzeyiko munyika.

20 vakati varikupesana sezvavanoita munozvi, mukati medivi.

21 vakati kudenga hayisiri nyore wuye kuma kata vanangu.

22 Vanga vachiti vasati Ivo Matenga vamire pakati pedivi, vaitangisa kushaura vega uru rwiyo.

23 Vayiti vafemberi Vauya vakawanda varikuda kubuda.

24 Ndopavayitangisa kuyimba vachiti. Howa dzoru poneso, Howa dzoruponese, Howa dzoruponeso dzinoyerera, Haliluya woye. Howa dzoruponeso, Howa dzoruponeso dzinoyerara. Haliluya woye.

25 zvino vayitetembedza nechitetembedza rechimba rechitaira mukati mevanhu waro.

26 Nemukati mevafemberi nevachenjeri vakanga vari kupesana panguva idzodzo.

27 Rechitenderera vechipindazve nemukati me vatumwa vazere nemasisimba anotyisa chaizvo.

28 Pamwe vaimira vachimira richidaro, nhayiko wafemberi nevachenjeri mandiregerera kani, ndanzwa mutinhimira nechawonga chemasimba vachitinira.

29 zvino Ndakanzwa mutinhimira nechawonga chemasimba vachitinira.

30 zvino izvi zvaireva kuti vakanga vakuwonekedzana neAfrica.

31 Yavaigara vachitaura kuti Africa ndakuurirayi muchokwadi.

32 Unotenda kwandiri anozova neupenyu husingagumi.

33 Wakakomborerwa zvavo achazosangana neMatenga achizodzipfeka idzi howa dzemudenga.

34 Wakakomborerwa zvake achanazosangazce nevakomana vane mapumhu marefu ne majamba acho machena anotyisa akadayi.

35 Zviri kweuri iwe neni kufungisa basa rewakaitirwa neMatenga paupenyu hwako.

36 Tayiti nedzimwe nguva tayimusimuka mudivi techienda pangarava yeMatenga.

37 Ndopataiti tiri tichidziyimba zvayityisa Ivo baba vari pavaranda repaNgarava yavo vakatarira.

38 Tatamba tichiyimba ipapo ndopaibva paiswa ngoni ipapo.

39 Nerimwe zuva Ivo baba vakati vanangu mwanga mvafananidzwa nengirosi dzemudenga.

40 Shoko rino kosha kufananidzwa nengirosi isu tichiri pasi pano.

41 Hama dzangu hatina kuziva kuti zvino reveyiko pashoko iroro.

42 Chokwadi Africa yakanga yadikanwa naBaba, hapanazve nyika yiri pasi pano yakambopfekedzwa mbatya yomudenga yakafanana nengirosi.

43 baba ngaropefadze aya mashoko avo nekusingaperi Amen.