Guta Ra Jehova
Lesson 105

Baba Vanodzoka Kubva Bulawayo Richiwuya MuGuta Mujerusarema

1 zvino yakati nguva yakwana yekuti ridzoke muGuta mumusha wemweya.

2 Mashura nezviratidzo zvaitwa, ndakawona manheru ivavo nyeredzi huru kwazvo.

3 Yakasimuka pamusoro pemba yeMatenga yichienda kumabva zuva kuGuta.

4 Yakanga yichipenya, yiine matsariwari akanga achityisa kwazvo.

5 Rava remangwana acho baba vakatanga vawoneka vanhu vavo.

6 zvino vanhu vakarongedza vakayenda kusiteshini kuno kwira chitima.

7 Asi gwayana rake ndane Ngarava yavo yakanga yichidiraiva namuvhangeri chareka.

8 Maivana ivo Matenga , mai Nyamushanya, mai Chareka, mai Mamvura, Mai Hudzi nemuvhangere mhundwa.

9 vamwe vakanga Varikuuya nechima vanhu vashe zvayityisa chaizvo kuyimba kwavo.

10 Vasvika muHarare, Nowa aiti asheedzera dhorobha rose rakazungunika, vanhu vashe masimba eMatenga anoshamisa.

11 Hwai yakava nekuvashamisa kwazvo.

12 Hakuna chipfuyo chingagara nevanhu chichivatevera zvakadaro.

13 Varungu nevatema vakashamiswa kwazvo.

14 Kuzoti vakwira chitima vakasvika maMutare vakawona bhazi raNkomo ravagarira vakayenda muGuta.

15 Asi Matenga vakaenda neku Zimbabwe kunotura basa kuna vaJehova, richiti baba ndiro basa randakauya naro mukati meAfrica.

16 Vakadaro Matenga vanhu vaMwari.

17 Vasvika ipapo vakaita muteuro asi pakatinhira zvika tyisa kwazvo.

18 Chishamiso apo Matenga rakanga riri muBulawayo raiwuya kuzotora masimba mudangari muGuta.

19 Wabva kuZimbabwe vakauya muGuta,

20 vakati Vasvika muGuta ngarava yeMatenga yakamira pamba yavo.

21 Matenga vakabuda riine masimba anotyisa kwazvo vanhu vese vazadzwa nemasimba anoshamisa kwazvo.

22 Gwayana rakasvika batana ruwoko rwemu Vangeri Nyamandura uyo akanga ari Johane, akange azere nemasimba edenga.

23 zvino akawira pasi pakadzika chayedza chakatyisa chakabva mudenga.

24 vatumwa vese vayitenderera mota yeMatenga.

25 Kuzoti remangwana acho, vanhu vayisimuka vachipupura nebasa guru rakashandiwa neMatenga muBulawayo.

26 Rwendo uru rwakatyisana nemwoyo wangu vanhu vava Jehova . Amen.