Guta Ra Jehova
Lesson 96

Musangano We Easter MuGuta RaJehova

1 Musangano weEaster wakanga warumbidzwa neMatenga.

2 zvino Svondo iroro risati rasvika Matenga vakati, ndawona vanhu vachisimudzwa naBaba zvakanyanya kwazvo munyika.

3 Vhiki iyoyo ndakawona zviwuru ne zviwuru mazana nemazana vachiwuya kuzotamba Easter mukati meGuta rava Jehova .

4 vanhu vese ava vakanga voziwa chavanofambira nekuti vaiziva kuti umu muna Mwari wechokwadi.

5 zuva rokuroverwa kwemwanakomana wemunhu pamuchinjikwa takafumamuka.

6 Kuzoti tawa mudivi Matenga vakauya rikarapa, asi rakanga rakapfeka nguwo dzeropa dZakanga dzichi tyisa kwazvo.

7 Matenga vapedza kurapa vakati kuwone une hai nenyota yekureva shoko wo rewa.

8 Pakanga paine mutinhimira wakanga wuchityisa kwazvo.

9 Zvipfeko zvevanhu ava zvakanga zvichiratidza kuti vanhu ava vari mukati meropa.

10 Nerwiyo rwavakanga vachiimba rwekuti, Watakura kuipa Jesu kusikuipa kwake.

11 Zvayiratidza kuti Matenga vakatakura kuyipa kwedu isu muAfrica kusiri kuyipa kwaro.

12 Matenga vakasimuka vakati nhasi zuva iri mose munoriziva

13 Ndiro zuva ratambanudzwa murumbwana womunhu, akaroverwa pamuchinjikwa.

14 Pekarepo Matenga vakati nhasi Izuva raJesu raari kuturikwa pamuchinjiko.

15 Matenga vakati vatumwa vedenga vauya zvakanyanya, vauya kuzochema Jesu iye zvino.

16 zvino Ishe Jesu vakuchemiwa nevatumwa vedenga vakadzika munyika.

17 Matenga vakasimudza ruwoko mudengra vachiti, vatumwa vedenga waroverwa nhasi.

18 vamwe vaimupfira mate, vamwe vamurowa, vamwe vachimutuka kuti, zvaimbotizve ndiri mwanakomana waMwari.

19 vamwe vakati zvawaimutsa vakafa, nekuponesa mhetamakumbo, kabva chizviponesa.

20 vamwe vakati inga wani akanga ayine tsitsi, kova murovera chiyiko nhasi?

21 vamwe vakati zvakanga achiri munyika sanhasi, akanunura vazhinji murufu, muuroyi, mukupomba, mukuuraya muruchiva, muumhanje, nemuzvizhinji.

22 Inga wanga wani wasvanda mabasa makuru munyika.

23 Pekarepo Matenga vakasheedzera vatumwa vese vedenga vakabuda.

24 Vakatenderera divi , asi vakanga vakawanda zvakenge zvichityisa kwazvo.

25 vatumwa ava vakauya vachichema vari pamberi peMatenga.

26 Rakadaro shoko reMatenga, kare Jesu vayichemiwa munyama.

27 Taiti tabva kunopomba touya pahamende tochema.

28 Tabva kuroya usiku hwese, tabva kunwa, kuputafodya, kuchiva, kureva nhema touya paSvondo setakodzera.

29 Asi nhasi uno vakuchemiwa nevatumwa vedenga.

30 ndivo aya mawona vachibuda vachitenderera divi nhasi.

31 Anodaro Matenga makanga makomborerwa pane izvi.

32 Africa we ndakanga ndakuurirai muchokwadi, bva chibarirwe bedzi.

33 Mashoko emudenga ayifanirwa kuti atyisane ne mwoyo yedu.

34 Ndakanzwa Gwayana richiti, ndinoita izvi nekuti handitye munhu kwete.

35 Pakarero ndakawona richipa mabikatwa vamwe vatumwa nemambosvo.

36 Rikati asi ndinoita zvinenga zvataurwa naBaba bedzi.

37 Vawona vawona chasara kwakuisa pfungwa kwakadzama rakadaro Shoko. Amen.