Guta Ra Jehova
Lesson 5

Kechipiri Mugomo

1 Vakakwirazve kechipiri nevamwe vanhu mugomo.

2 Vakati vari kunamata, vakawona baba vasisiri nayeba.

3 Wakanzwa izwi richitaura chete pamusoro pegomo.

4 Vatarisa vakashaya, vaka vamba zvekunamatazve vakazowona baba vawana yese.

5 vakanga wayina muvhangeri Tawe naMatare naMai Nyamushanya.

6 Aya amai Ema Nyamushanya ndivo vakachengeta Matenga dzimara kukura kwavo.

7 ndivo pamwe nehandzvadzi yavo Hucu.

8 Kwakati nerimwe zuva vakatora J. Mhundwa nemudzimai wacho pamnwe navo Matenga .

9 vari kufamba vakasvika pamusangano waMaziyoni vakanga uri panzvimbo yepa Nyashanu.

10 Vasvikapo, vakasimuka kuti vataure kuti ini ndakatumwa kuti vanhu vese varegere zvakaipa zvavo zvose.

11 Mumwe mudzimai ndokusimuka akapokanisana zavakanga vachitaura.

12 Achibva atobatwa nemweya wetsvina dhimoni.

13 Shure kwekubudiswa kwedhimoni vachibva azobatwa nemweya kwavo.