Guta Ra Jehova
Lesson 107

Kusandurwa Kwemvura MuGuta Ra VaJehova Yikava Mishonga

1 Yakanga yiri nguva yemangwanani muGuta, Matenga vakauya rikati vanangu yendai mundo chera mvura kurukova iye zvino muwuye nayo.

2 Vadzimai Vakasimuka vakayenda kunochera mvura vakauya zvirongo zvizere nemvura.

3 zvino mabarani vakauya nebhuku rakanga rakanyorwa mishonga nemazita ayo.

4 Achitaura mazita ehosha dzakatsaukana, idzo dzakanga dzichirwadza vanhu muGuta, tarisa Madzimambo 2. 19–20.

5 baba vakanamatira mvura iyoyo ikava mishonga yakatsaukana.

6 Ndiyo mvura yamunowona vanhu vese ava votarisika sevaberekwa nhasi.

7 Ndiyo yakaswatanura vayipomba, vayiba, vayiva neruchiva zvose zvikapera, yikasandurwa yikava mupfuwira.

8 Ndiyo mishonga chete yemuguta mvura bedzi.

9 Munhu anopona kana anwa ayinerudawiro vino daro Matenga vanhu vashe.

10 Hazvinenyi kana muchitukwa kana muchishorwa, benzi ngati batiseyi cheta. Amen.