Kusandurwa Kwemvura MuGuta Ra VaJehova Yikava Mishonga
1 Yakanga yiri nguva yemangwanani muGuta, Matenga vakauya rikati vanangu yendai mundo chera mvura kurukova iye zvino muwuye nayo.
2 Vadzimai Vakasimuka vakayenda kunochera mvura vakauya zvirongo zvizere nemvura.
3 zvino mabarani vakauya nebhuku rakanga rakanyorwa mishonga nemazita ayo.
4 Achitaura mazita ehosha dzakatsaukana, idzo dzakanga dzichirwadza vanhu muGuta, tarisa Madzimambo 2. 19–20.
5 baba vakanamatira mvura iyoyo ikava mishonga yakatsaukana.
6 Ndiyo mvura yamunowona vanhu vese ava votarisika sevaberekwa nhasi.
7 Ndiyo yakaswatanura vayipomba, vayiba, vayiva neruchiva zvose zvikapera, yikasandurwa yikava mupfuwira.
8 Ndiyo mishonga chete yemuguta mvura bedzi.
9 Munhu anopona kana anwa ayinerudawiro vino daro Matenga vanhu vashe.
10 Hazvinenyi kana muchitukwa kana muchishorwa, benzi ngati batiseyi cheta. Amen.