Guta Ra Jehova
Lesson 95

Kuzarurwa Kwe Chitoro Chamakuyana NeVatumwa

1 Rakanga ririzuva reChishanu Matenga vakati mangana vatumwa wachatu stirwa munyika, kuti vayende kuno vhura chitoro chamakuyana.

2 zvino chitoro ichochi chakanga chagara Mazuva chaka pfigwa.

3 zvino vakafunga vakati uya akambondinunura akauya paMatenga akataura zvose zikaiswa pachena.

4 zvino Matenga ashingaira chayizo kuti chitoro ichocho chivurwe.

5 zvino vakabvumirwa kuti chiwe chinoshanda nepamusana peMatenga.

6 Akafunga kuti ndiyani anga ndivurira chitoro changu.

7 zvino akafunga akati chino fanira kuvhurwa neMatenga, sezvo ariye akachishingaira kuti chiwe chinoshanda.

8 zuva reMugovera rasvika zvino vatumwa vakayenda vari mudzi motokari vamwe vari mubhazi raNkomo.

9 ndivo vaya vatumwa vehama dzedu dzakafa, vakanga vari kushumba vakafiswa neMatenga.

10 vakauya vakareurura, vakapinzwa mudenga.

11 ndivo vakauya vakagara panesu vachibva muma Guta akatsaukana avo akavangwa neMatenga, rakadaro shoko reMatenga.

12 vanhu ava vakayenda vava vatumwa chete, vaiti Noah, Jeneti , Johane, Jobo, ne n'anga dzeguta.

13 Mukati merwendo uru yimwe mota yakanzi hayifambi zvakanaka, zvikazo dzadzisika zvakanga zvarongwa nemweya.

14 Zvino tasvika pachitoro ichi pa Bechinafu briji.

15 Vakaita izvo vakanga vataurirwa neMatenga vachizarura.

16 Asi Matenga vakanga vavapo kare, vakawoneka nevakanga vari mumweya, kwete munyama.

17 vakatanga kutengesa ndimuwuyu umo makabva upfumi hwese na Johane, na Jobo.

18 Pakayimbiwa zvakatyisa kwazvo, vanhu vakaungana zvakanyanga vanzwa ne mutinhimira.

19 Muridzi wechitoro akasimuka akati ipapo pakanga paunga vanhu vazhinji akati.

20 Ini ndinotenda Matenga nebasa guru iri ravaita nhasi.

21 Akati vanhu mese mawona kuwanda kwevanhu ava, nebhazi nemotokari idzi.

22 vanhu vese ava nemotokari idzi, dai, kuri kubandara, kubva kwa Mutare nekuvadzokesa.

23 Mwayiti ndayiti ndayi bisa mariyi paneizvi.

24 Asi wonayi tsitsi dze Matenga dzinoshamisa.

25 Hapana nekobviri randabisa hapana, kana nemubayiro zvawo.

26 zvino chita chose chakanga chiripo chakashamiswa kwazvo.

27 vakati Mwari wamunonamata ndiMwari wechokwadi.

28 zvino vatumwa vaya vakanga vatutsirwa munyika naBaba vakadzoka ava manheru.

29 zuva remusi weSvondo gwayana rakatiti chisanzwa mashoko ewafamba, kuti vapupure mashoko erwendo.

30 Pakatanga Jenete, kukauya Noah, cheyahumani, muwuyu, Johane, na Jobo.

31 vese ava vayipupura nezvityiswa zvavakawona ikoko ne munzira imomo.

32 Matenga Vakasimuka vakati vawona vawona, chasara chifungai kuti ini ndiri aniko pasi pano. Amen.