Kupfura KweMatenga Munyika PaChashamba Munyika Ya Zvimba
1 zvino hama dzangu yakanga yiri nguva yakawoma nguva yakanetsekana mwoyo weumwe ne umwe.
2 Nguva yakachinja denga ne pasi, denga rika penya richitinhira zvaityisa Zvisakamboitika munyika.
3 Zvaiti kana ukatarisa pazuva kana mukati mema kore waiwona zvishamiso bedzi.
4 Asi mwoyo vako ndivo wairangarira kuti yava nguvanyiko?
5 Pakati paChashamba ipapo nguva yakwana yekuti vakwira mudenga.
6 pazuva iroro Izuva rinokosha, wuye izuva rinotyisa, zuva rakange riri zuva ra 25th December 1960.
7 Mumba imomo makapenya mukatinhira mukatyisa mukadzika mutumwa akataura naGomo.
8 Akati kuna Gomo torai Matenga muvaendese kuGuta iye zvino.
9 pipi rinotyisa kutaura ne ngirosi yomudenga baba ava ngarumbidzwe.
10 zvino denga rose rakatinhira mvura yikanaya zvakatyisa, denga rose raipenya zvaityisa chaizvo.
11 Vawona kuti Matenga vapfuura chose, vakatangisa kusheedza vachitumira mashoko kune vamwe vana veMatenga.
12 zvino vakatora Matenga vakaisa mumotokari yemumwe murume we Bulawayo.
13 zvino vamwe vavo vaibatwa nemasimba vamwe vaichema, misodzi nemadzihwa zvichisangana pamwe.
14 Vakasimuka nechitunha cheMatenga vakayenda nacho paGuta repa Zvimba.
15 Vasati vasvika ipapo motokari yacho yakabva yanyarara yoda kusvika parwizi paya, zvinova kazoita yokusunda dzimara vasvike paGuta ipapo.
16 Pakazoungana zvivuru nezvivuru zvevanhu vakabva mumatirimani ose enyika, kuuya kuzochema musiki wavo.
17 zvino Matenga vakavaisa muimba yakanga yiripo yaiva nemupanda miviri iyo vakasombosikira mugore ra 1958.
18 Wuye zuva iroro rakavashura wuye rakava nenji mu Africa kusimuka kwavo Matenga .
19 Tasara tava nherera bedzi zvava kwavari ivo Matenga kutitarirawo paupenyu hwedu.
20 baba ngaropefadze mashoko avo aya nekusingaperi Amen.