China Chevakanga Wapfekedzwa MuGuta
1 Rakati zuva reChina rasvika mangwanani acho baba vakati Vakapfeka vese Svondo, ndivo vanodikanwa kureva shoko nhasi, kwete vaya Vakapfeka kare.
2 Vaunganidzwa vakateurirwa negwayana richiti baba dzikisai vatumwa venyu vekureva shoko pane umwe neumwe muchivashingisa hana dzavo.
3 Ngavafanane nehamba kamba dziri muGuta ra Jeneti vakapakwa kare.
4 Dzava mhondoro pamweya wotsika karize netsoka dzavo.
5 Kuzoti ava masikati vakapinda China chaJeneti.
6 Bhaibheri rakavhurwa ndiye akanga akagarwa nemutumwa waJeneti, akazoteerwa na Reshero.
7 vanhu vaMwari pakarehwa shoko rakatyisa kwazvo.
8 Zvakaratidza kuti kureva shoko kwayakanga vachiita vakanga vasiri ivo, asi kutoti vakanga vakagarwa nevatumwa vedenga sekureva kwegwayana.
9 Kuzoti ava mangwana acho gwayana rikati munoti, kwayiva kureva shoko kwenyu mega here.
10 HaMuzvivi here kuti manga makagarwa nehamba kamba dzemudenga.
11 zvikanzi vamwe ndava endesa mumuyu vamwe muGuta ra Jeneti .
12 vese vakataurirwa nzvimbo dzavo.
13 zuva rakatyisana ne mwoyo wangu.