Guta Ra Jehova
Lesson 177

Kusimuka KweMatenga MuAfrica Mugore Ra 1960

1 Kusimuka kwaBaba mu Africa mugore ra 1960, kwaka netsa wuye kwakatambudza mwoyo yevanhu.

2 Kwakati munhu wese anzwa kuti baba vayenda pachigaro, uye nguva iyoyi hayina kumbovapoba pasi pezuva.

3 Wuye chinhu ichochi chakatikurira chaizvo nekuti mwoyo yedu yakanga yichiri mudiki, wuye hachina kumboitikazve pasi pezuva.

4 Kwakati baba vaiswa paimba iya yaiva paya varere imomo.

5 Vakapedza mazuva matatu vasina kukutsa, vakazokotswa nezuva reChina racho.

6 Tinoriripa neyiropa rakaparara risina mhosva.

7 Vakazvipira kuti iwe neni tiwone kupona panyama nepamweya.

8 baba ava vakapedza mazuva mana, rechina racho, rangarira nyimuse pfungwa pakadzama iye zvino.

9 Saka wuchiwona ropa rakatsvuka tsvuka pama zuva aya mana rangarira.

10 Musangano uyu wokupfuura kwababa, hazvina kumboitika kuti ropa ripfekwe Mazuva mana.

11 Asi Juda akaita iri basa ane nhamo.

12 Kana vaiva pakupomba muGuta, kuroya, makuhwa, chiziwa kuti uJuda hwako hahuzoperi.

13 Unozoramba wuchiparidza dzimara pakuguma kwenyika.

14 Kufanana naJuda wokutanga nanhasiuno arikuno paridzwa nyangwe nemumasina gogo.

15 Zvawayiita zviya vaiti zvakawandika nyamba zviri pachena kwavari.

16 Kana wakaroya, kana kupomba uri muJaha, musikana, kana amai kana baba pangu vaidzodzo reura upone.

17 Kana usakareurura huJuda hwako hahuzoperi dzimara narini.

18 nekuti chinhu chawakaita ichi chinhu chawakaita ichi chakakonzera kuti africa yisare yava nherera.

19 zvino vanhu vanenge vakapfeka yunifomu ya Jeneti , masoja namhiriyemu.

20 Pamazuva aya ose mana emusangano weropa ravo.

21 zvino mambo Jesu vakagara pamuchinjikwa pazuva rimwe, rechipiri vakakotswa.

22 Asi Matenga vedu ava Hazvina kudaro vakagara mazuva matatu reChina vakazokotswa.

23 Zvinoreva kuti vakagara varipo pamuchinjikwa kwemazuva mana rechino racho vakazokotswavo.

24 Isu vana ve G.R.J. hatisisina Christmas kwete.

25 Tavane neEaster yedu sezuva rakayerera ropa rababa wedu.

26 Ichi chinhu chitsa muAfrica ne pasi rose.

27 baba ngaaropefadze aya mashoko avo nekusingaperi Amen.