Kupinzwa Kwevanhu Mumba Yomudenga Mugore Itsva Pipi Guru
1 Takafumuka mangwanani tichiyimba Jerusarema musha wakanaka uri mweye chete rinodaro shoko.
2 zvino vatungamiri vatatu vakanga Vauya neyunifomu tsvuku.
3 Asi ivo vachiziva zvavo kuti kana kwayimbiwa Jerusarema .
4 Munhu vese anofanira kupfeka nguwo chena dzeguta romutumwa Jerusarema .
5 Matenga vauya vakati muchiziyiso vanangu ndamupinzai mese muimba huru kwazvo.
6 Iyo ndakanga ndamugadzirirai, ndamupinzai mose, nevakanga vasingazi kukodzera vapinzwa vese.
7 Asi vatungamiriri vatatu ava vasara.
8 Nekuti vasiya mbatya yetsvitsa mbatya chena yakanga yichidiwa.
9 Kufanana nezuva riye rakatuma mambo varanda vake kunokoka vanhu patsitsa yake, Tarisa Matewu 22. 1–14.
10 zvino ivavo vakatorwa vakaiswa pamberi zvikawa nekutyisa kwazvo.
11 Matenga vakati tarisa Mariya na Pitorosi gara vaka gadzirira pamweya.
12 Hauziyi musi nenguva, kwete panyama baba habadi, hakubviri kumakata hakunatsvete.
13 Hona nhasi kutaura chokwadi wasara, mapindwa nevaye vakanga vasina kukodzera.
14 Matenga vakati makawona here karambi aka, ndiwo marambi anga akabatwa nemunhu wese anga arimo.
15 Pekarepo Matenga vakati vanemaziso emweya tarisai muwone imba yacho iyoyo.
16 Kukura kwayakaita pane mutumwa mukuru amire pamba ipapo pamusuwo wacho.
17 vese vakanga vaine maziso emweya kwete enyama vakaziratidzwa zvakanga zvichirongwa negwayana.
18 Ipapo pakayimbiwa rwiyo 64 runoti : Paimba ye Mwari ichiripo nzvimbo yekupenya pindai pindai nzvimbo yichiripo.
19 Imba yo tsvitsa yoda kuzara ichaka zarurwa pindai, chenjera kuzarurirwa gonhi.
20 zvino pekarepo vanhu ava Vakasimuka nezvigurangu zvavo mumawoko.
21 vakauya pamberi peMatenga wachipfugama vachiri wikikidza, vakatenderera divi rose.
22 pipi guru risakamboitika mukati menyika.
23 Uyezve tayifanira kutyiswa pane izvi vanhu vaMwari.
24 Pekarepo Matenga vakati zvanga zanzi vaya vatungamiriri wasungwe waiswe kunze kwe musha.
25 nekuti havana kuuya ne nguwo dzetsvitsa.
26 Kudzadzisa shoko riye rakanyorwa kuna Mateu 22.
27 Tayifanira kurangarira pane izvi nguva ichiripo, pipi rakatyisa kwazvo.
28 Hero Basa raMatenga riri kudzadzisika mukati mema tsamba ekare. Amen.