Guta Ra Jehova
Lesson 171

Baba Vano Gumisira Ku Uoneka Chita Cha Jeneti Mudivi

1 Pakati Nerimwe zuva raiva zuva rechina cha Jeneti , Matenga vakabuda kubva mungarava yavo vakafamba vakauya mudivi .

2 Apo chita cha Jeneti na Mhiriyemu chakawona kudaro chakaona nekufaira kukuru chaizvo ne Guta rose rikafarira baba.

3 Vasvika vakamira pachigaro chavo vakatarira mukati mechita chavo.

4 zvino vamwe vakati vatarisa Matenga vamwe vaichema vamwe vaibatwa nemasimba nekutarisa bedzi zvavanga vaita ngekurwara.

5 Matenga vakati kumuvhangeri mukuru vaSekuru Nyamandura isai muteuro.

6 zvino vakati vapfugama vakatangisa kunamata, vapedza baba vakaramba vakatari mukati mechita chavo.

7 Vakati kumuvhangeri ngatichiyendeyi kungarava yavo. vakatungamidzana nemuvhangeri wavo.

8 Vakati vodakusvika pangarava yavo vakati kumuvhangeri vatungamiriri vangu varikupiko.

9 muvhangeri akati vasara vari mudivi baba, Pekarepo Matenga vaShoko

10 ramuvhangeri rikati pemunonga mwada kwenda napo Mwari wangu, handinga musarudzireyi kwete.

11 zvino Matenga vakazoenda nepakati pengarava negaraji ravo.

12 Kuzoti vasvika seri kwengarava yavo vakazo gara zavo petyo Nemusiwo wengarava yavo.

13 Kutambudzvika kwababa uku kwaiti pamwe vaivazvirinane.

14 Pamwe kutambudzvika uku zvaibva zanyanya asi zvino mwoyo yevanhu yaibva yatambudzika zvikuruwo.

15 Tayiti tafuma kumuka mangwanani aya charo anhumba achiriri.

16 zvino ndopatai teenderera neGuta rose tichichizo gumisidza nepangarava yavo baba.

17 Paiti Nemusi we Svondo masikati paSvondo yezuva roda kudoka.

18 baba vaibuda mungarava yavo vakapfeka nguvo dze Masoja, Dzakanga dzichityisa chaizvo.

19 zvino vaigara zavo pevanonge vada, vakatarisa kudivi.

20 zvino vanhu vese vaibuda kubva mudivi vachiyimba vachiyenda kuseri kwengarava yavo.

21 Ipapo vanhamo yevana ve Africa bedzi, dayi Matenga vatitarirawo paupenyu hweumwe neumwe.

22 Zvaiti kana ukafunga mabasa avakaitirwa ndiwo ayisanganisa misodzi nemadzihwa.

23 Matenga ngaropefadze aya mashoko avo nekusingaperi Amen.

24 Matenga Matenga vagere zavo pasi vachitarira vana vavo.