Guta Ra Jehova
Lesson 125

Mapipi Ne Zvishamiso Mumusha We Highfields MuHarare

1 Mukati memusha we Harare mumusha weHighfield mukati meJiri revatumwa.

2 wakangauri musangano wemasoja akanga akawanda zvakanyanya kwazvo.

3 Pakati nerimwe Svondo mangwanani gwayana riri kuronga zviziyiso rikati nhasi mhukuta yanyanya ndinoda donhodzo.

4 kwakanga kusina makore kana nerimwe zvaro.

5 zvino vanhu vakanga Vauya kuzowona vamwe vavo vakapikisana mumwoyo yavo vakati nhasi tichawona.

6 vakati mumwoyo yavo ingawani kusina ne fuwa remvura zvaro koyingabva kupiko?

7 zuva rodoka mvura zhinji yakauya yikanaya kwazvo.

8 zviro kwazvo vanhu vakati uyu ndiMwari akarangarira zvakanga zvarongwa neMatenga, pipi guru.

9 Kune vamwe vayipikisana neBasa regwayana vakanosangana nematambudziko.

10 Mumwe mukadzi akanga ayinedhimoni reuroyi akasimuka mukati medivi akaratidza kuroya kwaanoita usiku.

11 zvino dhimoni reuroyi iroro rakataura nekuroya neropa kwarinoita nevanhu rarakauraya.

12 HaZvisakamboitika munyika kuti muroyi asimuke pamberi pechita achitaura uroyi hwake masikati machena.

13 Matenga vakashanda Basa guru kwazvo mumusha weHighfields.

14 Mumwe mudzimai vaiva nepamuviri ndokusununguka, asi mwana akabuda afa, iye ndokufawo.

15 Matenga vakafemera mwana mweya pakarepo achibva atangisa kufema.

16 Rakatendeukazve rikati baba dzikisai mweya wenyu pana amai vacho.

17 Pekarepo gwayana rakafemerazve mweya kune mudzimai iyeye akamuka.

18 Rakanga rakaBatwa nemasimba richiti baba ratidzai ukuru hwenyu, vazive kuti ndakauya muchokwadi.

19 pipi guru kwazvo, kumutswa kwe amai nemwana mukati meJiri re muHighfield.

20 izvi zvakatyisana nemwoyo wangu vanhu vaMwari.

21 Wayiva musi weSvondo manheru gwayana rakanga riri mudivi .

22 Rikati imbai watakurura kuyipa Jesu kusiri kuipa kwenyu.

23 Masoja akanga achitamba zvaityisa kwazvo, nezvigurangu zvavo mumawoko.

24 Rwiyo irworwu rwairatidza kuti matambudziko ese akatwarwa neMatenga.

25 Matenga vakati tapedza kuimba watakura kuipa Jesu, rikati vayimbisi mukai.

26 zvino mukoma Nowa nehanzvadzi dzake, Vakasimuka.

27 Pekarero vayimbi vakanga vakodzereswa neMatenga Vakasimuka Vakatangisa kuyimba Harare iwe chisarira.

28 Matenga vakange vechimba vechiti mwasara makadaro here.

29 Mukuroya, mukushora, mumakuhwa, mukupomba, mukupokana nezvimwe zvakadaro.

30 zvino gwayana rainhanya apa ne apa richisvetuka, zviro kwazvo pasi rakatinhira.

31 zvino ndakawona hamba kamba dzevatumwa dzichitinhira dzakatambanudza mawoko adzo semapapiro.

32 vakanga vari kunze wachitarisa, maziso avo akanga aita seakuda kuvomuka.

33 Vachiwona Matenga vachiwa chinjira pamberi pe meso pavo.

34 pipi guru rakazunguza dhorobha rose reHarare rakanga riri rekuparidza kwakanga kuchiita vanhu.

35 vakanga votsika nyoka nekarize nekuti vakanga vasingatyi kutaura chokwadi cheMatenga.

36 Hazvisakambo itika mukati menyika kuti muroyi anomira pakati pechita achitaura uroyi hwake.

37 Mhombwe yichi pupurira pamwe nen'anga dzaizvipupurira mumaBasa ayo, ayo yaita.

38 izvi Zvakaratidza kuti vanhu ava, vakasangana naMwari wechokwadi.

39 Kwete kuchaswera vachinyengedzwa ngewaya wakadzakatira nemadhimoni, Tarisa Muporofita Isaya 5. 20–27.

40 pipi rimweni neyiri vamwe varume vayida kuparadza Matenga .

41 Vabvunza imba yavaigara vakatadza kuyiwona, asi yakanga yiri pachena.

42 vamwe vakayedza kutumira dzinyoka ndara asi zvakangowa pachena.

43 Rino daro shoko hazvichaita sezve gwayana rekutanga bedzi baba vakauya muyidi.

44 vakomana vemumaBasa ve Umtali, Bulawayo, nedzimba dzakatsaukana vaiuya kuzopinda Svondo kuHighfield.

45 muvhangeri mukuru akauyawo kuHarare ikoko vanya Mandura.

46 vaVhangeri ava vaireva shoko zvakanga zvichityisa kwazvo.

47 Matenga ngaaropefadze mashoko ese nekusingaperi. Amen.