Matenga Vanotseura Varoyi MuGuta
1 Nerimwe zuva Matenga vakati muchita chavo murikudeyiko pano kupona kana kusapona.
2 zvino tose takati tinoda kupona.
3 Rikati mungapone seyiko kana paine kufungirana, shungu, ruchiva, makuhwa, kupokana, nekushorana.
4 Ani naani wamunowona achiwuya kuNgarava uko anouya nematambudziko akewo, kwete kuti anorewa Guta .
5 Nevese vane madhimoni ekuroya asi imi moita zvekuvengana, asi varoyi havana chakanaka.
6 Mayinuhwa nyama dzevanhu, asi nhasi mangamanatswa navaJehova.
7 Asi mondimukirazve hamuna kwenyu, mayifanira kutyiswa.
8 Matenga rikati ini handisiri wekutamba ne chisikwa kwete.
9 Shoko rikati mukaramba muchidaro hamuna dzvimbo yenyu mudenga, kana musingadi kukururwa zvazviri.
10 Rikati nebasa rino harimbozorowe kudai ini ndopfuudzwa munyika neHingirandi wanga zvizwe kuti wapfuura.
11 Hapana akauya kusunga mikwende asingazive mitemo yisingadiwe pasi rose.
12 vanoziwa kuti kuba, kuroya, kupomba, kusuta, kunwa, kuuraya, nezvizhinji zvakadaro hazvidiwe.
13 Rikati munoda here kuti nhasi ndimusimudzeyi kuti iwe nhasi wadya nyama yomunhu kumarinda.
14 Zvizhinji zvamunoita asi ndinomunyarai vanangu.
15 Inga wani makanga mauya pazororo, nhamuyose yakanga yapera.
16 Makanga makodzereswa naBaba mukaitwa vana vakanaka, Tarisa Deuteronomio 8. 10–15 nepa 19–20.
17 Chinhu chidiki kwazvo, kune vanodaira nemwoyo yavo yese kubiswa uroyi.
18 Pakapangidzwa varoyi vakabisiwa huroyi, wawakuraravo zvazviri mudzimba dzavo.
19 Ivavo Vakasimuka vakazviratidza muvanhu mudivi .
20 Asi ivavo wachine shungu pamwoyo kuti ndihwo umambo hwavo havana kumbosimuka.
21 Sakatose ngatichemererei kutadza kwedu kuti Matenga zvichida vangatinzwira tsitsi.
22 Nekusi ngaperi. Amen.