Lesson
74
Pipi Guru, Pamaguta Ririidi
1 Kwakati mapipi nezviratidzo zvawanda, zviro kwazvo ndakawona Matenga vachiti.
2 nhasi kune musangano mukuru kwazvo.
3 Pakanga pazerene nevanhu muGuta imomo.
4 ndakawona Matenga vachimira pakati pechita chavo vachiti nhasi ndadzimura Gehena raSatani.
5 Matenga vakati naSatani apihwa nzvimbo yake yomudenga, avane guta rake rakakura kwazvo.
6 Rakavakwa nedzimba tsvuku.
7 Ndimo munogara vanhu vake vekugehena.
8 vanhu vake vane mapapiro matsvuku naiyewo Satani ane mapapiro matsvukuwo.
9 Matenga vachitaura izvi vakanga vazere nemasimba anotyisa, neni ndakava nekutya nekudedera kwazvo.