Matenga Pamberi Pavatongi Vakuru, WeMuHarare Vachena C.N.C.
1 Nyaya yeGuta yakanga yakura kwazvo.
2 nekuti matsamba mazhinji nemarhipoti akanga ayendeswa kuna C.N.C. muHarare.
3 Kuti Matenga arege kuita basa munyika, riri ierasi revanhu chete, asivachiziva zvawo kuti pane chokwadi , chirikuitwa ipapo.
4 zvino Siyahamba iye ndiye akanga azotora nyaya yacho kuti achiyifambire.
5 vakayenda kuHarare naZengeni vachikwira wachidzoka nemotokari yaZengeni neMadzimambo aya, Zimunya, Mutasa, naMaranke naChirara.
6 Akarwira pamwe achiti tinoda kuti Matenga vagare vachiponesa vanhu vedu, havasati vapona vese, vakanoisa chicemo chavo pamberi pa C.N.C. Nyaya iyi yakanetsa kwazvo.
7 Iye Siyahamba uye akanga azofemerwa masimba akava nekuirwisa kukuru kwazvo.
8 Dzimaru kuzonyorwa tsamba yakabva kuhurumende.
9 pipi rakabuda patsamba iyoyo ndere kuti vanhu vakatadza kuyiverenga vatema nevachena.
10 Vayi verenga vachiti : Madzimambo vaya vakauya na Siyahamba vanodikanwa neMatenga pamwe kuHarare.
11 Kuzoti vava murwendo vaChareka ndokuiverenga romangwana acho.
12 Akati Stamba yinoti yinoda vaya vakauya naSiyahamba pakutangachete, Matenga vakati murwendo irworwo ukadzoka Guta rinonoparara.
13 Matenga vakanga vaudza vanhu vavo kuti vasare wachiisa mwoyo yavo pamwe.
14 Nemurume uyu Chareka akanga ari munhu aishandira Matenga zvikuru.
15 Matenga varikuenda kuHarare vakayenda nemotoka iyo yakatengwa kuti vazoyite nyore yekufamba ndiyo.
16 Yayi dhiraivhwa naChakanyuka Masiyiwa.
17 Vaina Mr. Mhundwa, Mr. Enosi, Mai Charerka Mai Mamvura, Mai Makina nemwana wavo.
18 Imwe motoka yaiva yaZengeni muna Mr. Siyahamba. Mr. Nyakunu ari mambo Zimunya.
19 Murwendo urwu vaiyimba rwiyo rwokuti Wona vanhu vako mwari , kudza dzose nguva unovachengetaiwe mupfupfu dzose.
20 Asi Matenga vakange avapa vatumwa vatatu vatatu nevamwe vazvinjiwo avafemera masimba ose.
21 Wakanorara kuimba yomumwe murume wakasombo mutsirwa mudzimai wake afa neMatenga.
22 Usiku ihoho mutumu akarara achishingaira chaizvo.
23 Kukauya chaedza chinotyisa ipapo.
24 Raremangwana Siyahamba vakavatora kuna C.N.C. Mr. Morris uyo akanga ari mukuru nguva idzodzo.
25 Apinda mukati mehofisi imomo Siyahamba akatora chigaro akapa Matenga na Ishe Nyakunu uyo anga ari mambo .
26 Vagara vavese vakavamba kubvunza nenyaya yeGuta.
27 Mutongi akati handichada kuti Guta ivepo ngaribve ipapo unorisa kunyika yimwe kana kumusha kwako, akareketa zvizhinji kwazvo.
28 Dzimara Siyahamba akati wona mutongi kana musina kubvumira Matenga uyu kuita basa rake rive panyika.
29 Neniwo ndingabve hangu muno munyika ndigare zvangu mu Mvura.
30 Mutongi akashamiswa nekutaura kwake.
31 nekuti akafungisisa kuti munhu ungagara seyi mu Mvura?
32 nekuti hapana munhu angagara mumvura nemhuri yake yose.
33 Aya mazwi akanetsa ani naani anga aripo.
34 Akati kana madzinga Matenga nevanhu vavo, zviri nane kuti auye agare pamba yangu nevanhu vake.
35 Ini ndichigara zvangu mu Mvura ne mhuri yangu.
36 Vatongi vakatya kwazvo paaya mazwi, vakati koMatenga munomudireyiko imi, akatizve ndiudzeyi chikozero ichomunomudira ndicho.
37 Varanda vaMwari pakanga panetsa chaizvo.
38 Siyahamba akati imi vatongi vevachena ndimi makati dzidzisa kuti Mwari anonamatwa.
39 Mukatidzidzisai zvenazva Jesu.
40 Asi nhasi Mwari wotinzwirai tsitsi topihwa Matenga vanotiponesai pasina mutengo.
41 Imwi mwoti muikuponereyi?
42 Murikunamatireyi?
43 Munofunga kuti Mwari anofara here?
44 Kana vachiwona tichitambudzika pamwe neMatenga kudai.
45 zve iye Siyahamba akati basa rinoitwa neMatenga aya hapana munhu angariite kwete.
46 Mutongi akashamiswa kwazvo nemaziwi aya.
47 Kuzoti abuda mutongi akatizve ndinoda Zimunya naMatenga ndimuudze chikonzero chaida kuti Guta riparadzike.
48 Vapinda mutongi vakati wonayi matsamba aya ayinyorwa nanhingi nanhingi kuti basa rako ribve rafa.
49 dzimwe tsamba akadzitaura nemazita adzo.
50 Ngosi yakati vamwe ndivo vanhu vako awakaponesa, ndivo vanouya nemarhipoti.
51 Matenga vanoti ivo vakadzoka shure, hayisi mhosva yangu.
52 havana kuda kureurura zvakakwana.
53 Wona Ngosi pane mhanje yemakore yaane mwana panze pavo.
54 Mai Makina vakadaiidzwa vakatsanangura pamberi pemutongi iyeye kuti ini ndakapedza makore 11 ndisina mwana.
55 Asi nepamusana peMatenga ndaanaye ndiye uyu.
56 Unofungakuti pamakoreya ese 11 ndanga ndichaita mwana here?
57 Ipapo mutongi akava nekushama kwazvo.
58 Mutongi akati zvese ndazviwonera ndega yenda unogara kanamodazve mouyazve.
59 Ipapo Zimunya neMatenga vakabuda nerufaro chaizvo.
60 Nevese vakanga vaendanawo vakauya nerufaro.
61 Pakuuya pavo ndakawona Guta rose razwa iri shoko richifarira nekupembera kuzwakuti Guta ragarazve.
62 Varikogashira Matenga vanzwa kuti vakurira.
63 ndakawona vamwe vavo vachipembera vamwe ndakawona misodzi yichiyerera yoga, vamwe vachibatwa nemasimba, zvinotyisa zvandisati ndambowona paupenyu hwangu.
64 Izvi zvakaratidza kuti vanhu vakanga vachine nyota neGuta kuti rigare.
65 mwoyo yavo yichiti kotoenda kupiko zvatoodzingwa pano.
66 zvino vaJehova vakanzwa tsitsi nekuchema kwavo nekukumbira kwavo.
67 Vakatungamirira Matenga wavo.
68 Vakanokunda vavengi nekunamata chete.
69 Kunamata ndiko kukuru kunokunda zvose.