Zemenisheni Revasikana Ne Vakomana MuGuta Ra VaJehova
1 Rakati Matenga vamire pakati pechita charo icho vaka koka regambune.
2 zvino mweya waveneka rikati majaya ne mhandara vanofanira kuti vayende kurukova kuzemenisheni.
3 Rikati iri izemenisheni remweya, baba vati handidi sangano rine mhombwe.
4 baba vati kana wakauya wakadaro kuno ne hupombwe ndinonorasa.
5 Kwete kusvibisa zita rababa naMai vako.
6 Ndozvandakaurira zvacho, kuti enda undobvisa upombwe neuroyi ne zvizhinji zvose.
7 vaJehova vanoti anouya achinhuhwa gwema revakomana, kana revasikana anondoraswa.
8 Mazviwonera mose varume nevakadzi kuti muGuta ra vaJehova rinoveneka mune mwenje.
9 Havadi kuti sangano ravo risvibiswe kwete.
10 zvino vakomana nevasikana vakanga vachitendera divi vachifora vaine zvigurangu zvemashizha nezvigumbu zvavo.
11 Vakomana vakayendeswa kurukova na va M. Mushonga na va Tewende.
12 Vasvikana vayiendeswa kurukova ne vatungamiriri e vadzimai.
13 Gwayana richaropafadza aya mashoko nekusingaperi. Amen.