Guta Ra Jehova
Lesson 27

Mukadzi Akafa KuGuta Ravo

1 Pano ndinotaura nemumwe mudzimai akafa kuGuta rekutanga repaSeke, aigara kwachikwaka.

2 Mai Kahari vaiva mupurisa weGuta raJehova, vaitsairisa vamwe muGuta.

3 Kuzoti pamusi pekufa kwake, vakarwara zvavakanga vaenda kumusha kwavo kuzoti vadzoka varikurwara kwazvo, vasvika paGuta vakabva vafa ipapo kuGuta ravo.

4 Gutarose rakatinhira zvinotyisa kumunhu wose.

5 Matenga vamire pachita chavo vanoti uyu ndiye mwana akateerera mirairo yangu, mwana akatendeka kwazvo.

6 Apinda mumusha wedenga.

7 Kune vazhinji vakauya paMatenga vakafa, asi havana kupinda kwete nekuti vakanga vasina kureurura zvakakwana, ndivo vakaedza Mwari , vakadzoka vava madhimoni.

8 vanhu vaMwari ngatiregeyi kunyengedza, ndiyeyu akauya pachokwadi.