Huchapupu Hwemunyori We Bhuku Iri
1 Hama dzangu ndinokuudzai kuti ndini ndakanyora iri bhuku sandikuziva kwangu chete Matenga ega vanoziva.
2 Ndinomuudza kuti ndiri mudiki kwazvo apomunongeyi muchiverengai iri bhuku,
3 Ndino mukumbirai kuti munatse kufungisisa, nokuisa ndangariro dzenyu kwakadzama.
4 Muedze kufungisisa nezvaitwa nevaporofiti vari muBhaibheri, muchifungazve zvakaitwa na Ishe Jesu, nezvayiporofitwa mutasitamende itsva.
5 Mugozviunganidza pamwe, muchizvibvunza kuti vaporofita takavawona here?
6 Ishe Jesu takamuwona here?
7 Mutunezve mashoko akataurwa nashe Jesu okuti ndichamuunzirai mweya munyaradzi, kotakauwona here?
8 Uchizvibvunza wakaisa mwoyo wako pakadzama, Tarisa : Johane : 3. vesi 32-36.
9 Uchitarisa zvakanyorwa mutasitamendi itsva, nezvayiporofitwamo.
10 Zvayinzi ndakawona denga itsva nenyika itsva zvichiburuka kubva mudenga.
11 Ini ndinomubvunzai kuti zvamuri kuverenga Matenga mwakamuwona here?
12 Kana kuti Jerusarema haro rakabva mudenga makariwona here?
13 Rakawonekwa kuna Zvakazavurwa 21 vesi : 1-4 muvure zve zvakazarurwa 22 vesi 16 munozvizwirawo.
14 Kubvira kuGuta ravo kusvikira kuGuta itsva, nemeso wangu ndakawona zvizhinji kwazvo izvo ndisinakunyora zvose muneriri bhuku.
15 ndakawona mapofu, vachiwona, mhanje dzemakore, dzichibereka vana, zvirema zvichifamba. Mheta makumbo, dzichiswatwanurwa, Mapenzi achiponeswa upenzi hwavo, vamatsi wachinzwa.
16 Asichinoshamisa ndechekuti hosha dzese idzi, dzinorapiwa neruwoko rumwe chete pasina kuti uyu anotora chirwere cheumwe kwete.
17 Ipapo hapana anotora chirwere cheumwe kwete.
18 Ipapo zvakava nekundityisa kwazvo, paupenyu hwangu hwese.
19 vanhu vaMwari maverenga zvose izvi, mumwoyo wenyu mafunga kuti ndiyani imi anoita mabasa akadaro ese aya.
20 Mukaisa pfungwa pakadzama munozviwonerawo.
21 Zviri kwamuri imi neni kufungisisa zvose izvi.
22 Hama dzangu takanga tadikanwa kuti tiwone chipo chakadaro isu tichiri vapenyu tikachipihwa pachena, tanga takomborerwa naMwari kwazvo.
23 Hama dzangu tisagadzirira upfumi hwepanyama.
24 Dai takwanisa kugadzirira upfumi hwepa mweya, rinodaro shoko vanhu vaMwari.
25 Zvenyama ndezvenyama zvemweya ndezvemweya.
26 Tifungisisei kuti kumagumo kuchaveyi, kana vabva pasi pano.
27 Ngatiisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.
28 Mwari achatikomborera pakuverenga aya mashoko ake tose muna Mwari . Amen.