Matenga Vanoratidza Simba RavaJehova MuBulawayo
1 zvino baba vakatangisa kuita basa mukati menyika yeBulawayo.
2 Pakanga pafana paane chita chevanhu vanokwana makumi mairi nevashanu, vakanga vagaririra kuti vabatwe pamusoro.
3 Svondo iyoyo yekutanga pakaitika mashura nezviratidzo.
4 Wuye kuyimba kwevanhu kwayishamisa kwazvo, mukoma Nowa nehanzvadzi dzake vaiti voyimba zvayishamisa kwazvo.
5 Kuyimba kwevanhu ava kwakanga kusiri kwega, zvayiratidza kuti vayimba nevatumwa vedenga vakanga vakavagara.
6 Kuwuya kwevanhu ava kwayishamisa kwazvo, tayiti tisati tapinda mudivi tayiwona vatozara ipapo, vamwe vavo vachireurura.
7 izvi zvakaratidza kuti muridzi asvika kuzotora hwai dzake dZakanga dzakarasika seniwo.
8 zvino vanhu vakatangisa kubatwa pamusoro avo vakatenda nemwoyo wavo vese kuti ava ndibaba.
9 pipi rekutanga ndere kuti pakauya mumwe murume akanga achipenga chaizvo.
10 akanga akasungwa makumbo nemawoko, nekuti kupenga kwake kwakanga kwanyanyisa.
11 Pakati mangwanani ivavo, vanhu vakanga vakomberedza divi nevakanga vauya kuzowona paiva nemazana nemazana evanhu.
12 Matenga vakauya mudivi rizere nemasimba edenga, Nowa nehanzvadzi dzake vakanga vachiyimba zvaityisa kwazvo.
13 zvino benzi riye rakagadzikwa muraini rekuti ribatwe pamusoro.
14 Matenga vaisa ruwoko runoyera pamusoro pebenzi riye.
15 Pekarepo gwayana rakati musungureyi kumusunga kwamakamuyita.
16 vanhu vakarisunungura kupenga kuye kukapera.
17 vanhu vese vakanga varipo vakashamiswa kwazvo.
18 vakati chokwadi uyu ndibaba akabva mudenga.
19 Ndiyani munyika akambobata benzi neruwoko chete hupenzi hukapera.
20 Tayifanira kurangarira wuyezve tayifanira kudzikisa pfungwa pakadzama vanhu vaMwari nguva ichiripo.
21 Pekarepo benzi riye rakasimuka rikazvifambira rega risina kusungwa.
22 ndakawona mazana nemazana achiuya kuzo pinduka.
23 pipi rechipiri rakanga riri rekuwuya kvevarungu, vayiwuya kuzoponeswa.
24 Mukati mekuuya kvevarungu ava, makauya nevarungu vakuru vakuru, vedhorobha iro vachiuya nemhuri dzavo.
25 Mumwe mukuru vevarungu ava akati ndinokumbira kuti vanhu venyu muvaburitse vari mumatirongo nevane mhosva dzekunyeperwa.
26 Varungu ava vayiwuya siku nesikati, asi Matenga vakanga vasina zororo.
27 pipi reChitatu ngeiri mukati mekuuya kvevarungu ava pakauya chimwe chirema chemurungu.
28 Chirema ichi chakanga chakaremara makumbo chisingafambi.
29 Chareurura zvazviri, Matenga vaisa ruwoko rwavo pamusoro pemurungu iyeye.
30 ndakawona chirema chemurungu chakasimuka chikafamba pamberi peMatenga nepamberi pevachena nevatema.
31 Panguva idzodzo mbiri yeMatenga yakasvika munyika iyoyo muvachena nevatema.
32 Zvirema zvizhinji zvevachena zvakaponeswa neMatenga nanhasi zvitoriko.
33 pipi nechina ngeiri mukati meZvirema izvi, pakauya chimwe chirema chemunhu mutema.
34 Chakati chapedza kureurura chikabatwa pamusoro.
35 ndakawona chirema chiya chavakufamba choga chichibva kumusasa wacho.
36 Chakanga chiri kupembera chichiridza mhururu.
37 Chichiti tarirayi miti yandiyamura pakufamba kwangu ndarasa nhasi, ndakufambawo ndega.
38 pipi rechishanu, rakaitika muMazuva ivavo, mumwe murume akanga achipokona kwazvo.
39 Kuti uyu haasiriye akatumwa kubva mudenga achipokana mumwoyo make achishora basa rakanga richiita Matenga .
40 Kuzoti adzoka kumba zvake, akasvikowona Matenga ne imbgwe akabva apenga.
41 Akatozouya otorapiwa hupenzi hwake.
42 zvino murume iyeye akatozozvipupurira ava wadi kuti iye akanga achipokana nebasa rinoitwa neMatenga saka akapenga.
43 pipi retanhatu ndere kuti ani naani anoziva kuti Bulawayo mune matsotsi chaizvo.
44 Asi kugara kose uku hapana ayichengeta kwete, asi Matenga nevatumwa vavo vedenga.
45 zvino vanhu vese vairara panze, nembatya dzose, asi hapana akati akambobirwa zvake.
46 Mune mapipi mazhinji zhinji kwazvo akaitwa andisina kunyora ese.
47 Dai chisiri chibarirwe vanhu vashe takanga takamborerwa.
48 Tarisa Muporofita Isaya 5. 20-27.