Matenga Vanosvika MwaZimunya
1 Matenga nevanhu vavo vakauya munyika yaMambo Zimunya, vachibva vari kwaMurehwa uko vakanga vanyimwa nzvimbo namambo Mangwende.
2 vakati vasvika muUmtali vakaramba vachipfuura vachienda kuna mambo Zimunya uyvakanga atsidzira kuti chichemo chako chichanzwikwa.
3 Zvechokwadi chakasvikawo.
4 vakati vasvika manheru, vakawonanana namambo Zimunya.
5 Matenga vakati kuna Zimunya ndingawonawo here nzvimbo munyika yenyu yekuti ndiitire basa raMwari.
6 Mambo Zimunya vakati iri shoko ndarinzwa, iwe neni toenda tose kunoona Ngosi ye muUmtali nekuti tinotongera pamwe chete.
7 Kwakati ari mangwanani eMugovera vakasimuka vese nemotokari vakayenda kunowona Ngosi yeMutare.
8 Vasvika pahofisi yaMudziti.
9 Ngosi yakabvunza yikati urikudeyiko pano pahofisi?
10 mambo vakati ndauya, nekuti ndawona Matenga vachiti ndingawonawo here nzvimbo, yokuitirawo basa raMwari munyika yako.
11 mambo vakati saka ndauya pano pahofisi.
12 Ngosi yavona Matenga yakafarira chaizvo ikati, zvakanaka ngaaende anozvitsvagira paanodira napo.
13 Kwete kumutsvagira, ivo Matenga ngavatsvage apo pavanoda kuti mweya uyite basa ravo vega.
14 vanzwa kutaura kweNgosi vakadzokera pamusha pamambo Zimunya zuva iroro.
15 Rava remangwana, vakasimukazve namambo nemachinda vavo, Matenga nevanhu vavo, vakayenda kunotsvaga nzvimbo yekuti Matenga vaitire basa.
16 vakafamba famba vachi tsvaga nzvimbo nenyika yaZimunya.
17 Asi mweya wega vakatungamira ukatsvaga wega nzvimbo, yakanga yakasarudzwa neMatenga.
18 Vakasvika panzvimbo iyoyo.
19 Motokari dzikamiswa zvikanzi ndipo apo pada mweya kuti uyitire Basa raMatenga.
20 Ishe Nyakunu akaridza pfuti katatu, kuratidza kuti wauya umambo hwaMwari, munyika yaZimunya, hwatambirwa umambo hwaMwari.
21 vanhu pamwe naZimunya, vatambirwa umambo hwaMwari. Matenga vakadzokazve kumba kwamambo Zimunya.