Kuuya Kwepipi RaVaJehova
1 Kubvira pekutanga kare izwi rakabuda rikataura asi riri munhu, kubva nanhasi izwi rakabuda rikataurawo sepekutanga.
2 vanhu vaMwari iri ipipi guru rakaitika kuti vanhu zvimwetingadawire pane izvi.
3 Kunoti nerimwe zuva Matenga vanoti pano payita pipi , ndawona makomo nemiti zichitaura nekuti vaJehova vatsamwa nekusaiseenzesa miti iyoyo.
4 Wudza vanhu vako kuti kuno haku uyiwi nemunhu anezvivi kwete.
5 Nerimwe zuva Matenga vakayenda mugomo, vakashamiswa ihwe richitaura, Matenga vakabvunza izwi iroro vachiti ndimi aniko, rikati ndini ihwe asi ndini baba.
6 Ihwe rikati kovanhu vako vanopokana seyiko?
7 Vasingatendi mashura nezviratidzo izvi zviri pachena.
8 Kuzoti ivobaba izwi ravo razobuda zvino muGuta richitaura pacharo.
9 Vanoti ndakauya kuti Africa yose yiwone ruponeso yose.
10 Kohamutendi neyiko. Pane zvizhinji zvakaitwa navo paGuta ravo.
11 Vakanamatira vanhu vega, wakarapa neMatenga wavo.
12 Varikuita zvinotyisa kwazvo mudivi imomo vamwe vakabatwa nemasimba anotyisa kwazvo.
13 Payiti vanhu vachiyimba, payibuda nemadhimoni mweya yakaipa yichiti tinoda kureurura.
14 Ayiti abuda tinoda vamwe vedu vatinofamba navo usiku.
15 Pakabuda zve rimwe pipi rekuti ipapo varoyi vayisarudzana vachiziyisa pavo vega nekuti masimba ababa akanga awandisa ipapo.
16 Vasarudzana ava varoyi vakati uyu ndiwo musangano wedu wevaroyi.
17 Zvinodaro vanhu vaMwari nemusi wekuguma, wakayipisisa wachamira rutivi rwavo vega vakacheneswazvawo, wachamira rutivi rwavowo vega.
18 Kwakabudazve pipi rimwe renjuzu dziya dzakabiswa dzayiita basa rekutora vanhu, vana machingura namasayiiri, vakapangidzavo basa ravo nevakabudiswa vese vakataurawo.
19 Zvapera kwakawuya pipi rimwe revemudenga vatumwa vazhinji zhinji vakabuda muvanhu.
20 Takaparuka nehana tose nemasimba akanga anyanya kuwanda, tikagadzikwa pasi tikarapiwa kutsigiswa hana dzedu tose, nekuti tayizokuvara ngekutyiswa pane izvozvo.
21 Izwi ravo rotaura nezviratidzo takazviwoneswa, bva pamusana pekutadza kwedu isu saka ivovotaura woga.
22 Saka Matenga vanoti ini ndinoda kuratidza basa rangu panyika.
23 Kana naJesu vakaita zviratidzo zvavo asi vanhu vayipokana zve.
24 Nanhasi ini ndinofanirwa kuyitawo zvangu zviratidzo zvebasa rangu.
25 Zvandinenge ndanzi naBaba ita ndozvandinofanirwa kuitawo.
26 Handizorege kuyitawo zviratidzo zvandakaurira zvacho.
27 Yakwana nguva yekuratidza basa rababa vangu.
28 Tarisa Maroma 10. 19-21.