Guta Ra Jehova
Lesson 50

Kugadzirwa Kwe Mishonga

1 Kunoti Matenga vataurirwa naJehova kuti unofanira kugadzirira vanhu vako mishonga yakatsaukana yemvura.

2 Vakadzi vese veGuta vanoenda kunochera mvura mumabhagidhi avo, kana kuti zvirongo zemvura.

3 Vanouya nazvo zvizere nemvura, zvichirongiwa nevarongi vazvo.

4 Matenga vanoti vauya vanhu vanoyimba nesimba chaizvo.

5 vanonge vakasimuka vese, Matenga vanonamatira mvura kuti ive mishonga yakatsaukana yese.

6 Kana iri mvura yemaziso ukaiisa mumaziso unonzwa yichitswinya chaizvo.

7 Mumabhagidhi ivavo anokwana nenguwadziweni 400 ese.

8 Mvura inosarudzwa kuti ive mishonga yakatsaukana, ndimo munenge muine mushonga yezvirwere zvakatsaukana zverudzi nerudzi padenda rechirwere chimwe nechimwe.

9 Kana naJesu akasarudza mvura ikava wayini, Tarisa kuna Johane 2. 6-11.

10 Unowana chokwadi munashe.

11 Kana nanhasi baba vari kusaudzaa mvura ichiva mishonga yinorapa vanhu wachipona pahosha yeumwe neumwe pachirwere chake.

12 Ngatiiseyi pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.

13 Tiziyeyi kuti Mwari vakatitumirai umwe anenzira yeruponeso.

14 Munhu nemunhu anotozotarisa mvura yemushonga inotozorapa chirwere chake.

15 Nemimwe mishonga yeanenge achizoda kuzo seenzesa paGuta kana kumusha kwake.

16 Mutonderei kuti iri raJerusarema retakaburitsirwa pachena vanhu vaMwari.

17 Iyi mishonga yemvura ndiyo yinobatsira vanhu kana variku mamisha kwavo.