Musangano Wokubviswa KweGehena Ra Satani. Pipi Guru
1 Hama dzangu ndichimutaura izvi, handisi kuti ini ndakanaka kwete.
2 Chandakawona chakaita kuti izvi ndizvinyore kuti tose titondedzane, neni ndiri mudiki paneizvi.
3 Ndakati ndiri muGuta, ndakawona zuva rimwe Matenga vachiuya mudivi vazere nemasimba.
4 zvino baba vakati vatarira mudenga.
5 vakawona mweya yevari muGuta wachinetsa vanhu vakanga vari muGuta rababa.
6 Mweya iyoyo yayitadzisa vanhu kunamata.
7 nekuti yayida kuti vanhu vapenyu wafanenewo nezvavakayita, kuti wafe vazvoenda wokugehena.
8 ndivo vaya vanouya vachiita madhimoni kuvanhu vapenyu.
9 Saka baba vakatumwa kuzobvisa mweya iyoyo iyo yakanga yichinetsa ani naani paupenyu hwake, Saka mununuri akauya anezvose.
10 Saka ndiyo mweya iya yayiita basa rokusungwa yichibuda yichitaura mhosa dzayo yoripirwa, nezviro zvakatsaukana.
11 Zvino hakusisina, yotouya yAva vatumwa.
12 zvino baba vakadzima gehena rakafushirwa rakava sango, reshumba ne mhuka dzesango nenyoka ne zvimwe zvinoshoshoma.
13 Imomo mushumba ndimo munongoiswa vakafa vanenge vakayipa munenga munerima chete, hamuna zuva kana kuti mwedzi zvawo.
14 Kana waiswa imomo unondogara uchitambudzika kasingaperi.
15 Nekuti shumba dzino dzova chete murima imomo, kana ukati urumbe unonomonerwa nemadzinyoka, zvino hapana chinombokudya kana kuruma hapana.
16 Unonogara uchitambudzika kudaro hapana chinombokuruma.
17 Unogaramo dzimara kutongwa kwenyika kusvike.