Kufamba Kwe Mutenga
1 Matenga vanoponesa vanhu vazhinji parwendo rwavo nevanhu vavo vazhinji.
2 zvino yakati yasvika nguva yekuronga kweMatenga vainge munhu kuvanhu ivo vari Mwari .
3 Nemazuva ivavo, kwakanga kuine vanhu vazhinji zhinji, zuru nezuru zama zana revanhu muGuta rekutanga.
4 Matenga vakati mweya vati chifamba uyende kwaChitsunge, ukabva uyende kwaUmtali wozodzokererazve.
5 Kuzoti wasimuka nemotokari ya Mr. Chakanyuka vaiva muforesi wewarwi paGuta raJehova, yaidhiraivha nemuridzi wayo.
6 Ndimo mwaiva Matenga .
7 vamwe vakakwira dzimwe dzacho motokari.
8 Marhori marongomuna, hafu tani yechishanu ndiyo yaiva nevazere.
9 dzimwe dzaiva nezvirema imwe nevese vakanga vaine nhumbu dzemakore imwe nevanhu vamwe.
10 Asi vazhinji vakasara vari muGuta.
11 Achitarira kuti Matenga vachauya sekutaura kwavo.
12 Mumarhori ivavo vanhu vainzi neMatenga imbai rwiyo rwerwendo runonzi.
13 Wona vanhu vako Mwari kudza dzose nguva unovacengeta iwe pane nzvimbo dzose pasi rose rakatinhira nerwiyo irworwu.
14 zvino vakayambuka rwizi runonzi Sawe, nepama bhiriji pakati peusiku, vaipfuura nemimisha.
15 vachiyimba rwiyo rwavo rwerwendo, vakawona vanhu vazhinji zhinji vakanga vakaungana mudzinzira pakati peusiku, nekuti vakashamiswa nemutinhimira wekuimba kwavaiita.
16 kwakanga kusina ani naani vakambozwa mutinhimira wakadaro, nekuimba rwiyo rwamwari.
17 vamwe vakanga vakamira mudzinzira, nevaiwe nezvirwere zvakatsaukana vakaponeswa.
18 Vazhinji vaishevedzera vachiti tiponeseiwo.
19 Ipapo baba vakamira vakatarira kwavari.
20 Vakati kutenda kwenyu kwakuponesai vana vangu.
21 Vasvika paChitsunge wakagashirwa naIshe wemunyikamo, namufundisi weipapo paGunde.
22 Nezvechokwadi ndaizviwonerawo nemaziso angu ano.
23 Iri basa riri kushandiwa nemasimba aMwari.
24 Matenga vanoti uyayi muwone, muzviwonere mwese pakabva basa iri mugomo.
25 Matenga vanoti ndimo mwakabva ruponeso , rwokupa vanhu vana vakanga vasina vana, upfumi hwenyika, neupfumi hwemweya zvichibva neMatenga vachinge munhu kuvanhu.
26 Takakwira mugomo imomo tose. Pakaitwa munamato , mutumwa akati ndapiwa mhosva, yevasara kudzimba yenyu mundo vatorai.
27 Zvanzi ngavauye vazowona pandakatora iri basa.
28 Vauya vese, takaungana pagomo iroro.
29 Ipapo Matenga vakatangisa kudaidzira vari mugomo imomo, vachiti uyayi mutore ruponeso , mhanje uyayi mutore vana, vasina makumbo, uyayi mutore makumbo, vasina meso, vasina nzeve, nevasingakwanisi kutaura uyayi munowana zvose ndinokupai.
30 Kana mapenzi, nevanoba, nevanopomba, nevanouraya, nevanonwa, nevanoputa, vese vanenge vadayira vachavana upenyu husinga gumi.
31 vanhu vazhinji vakabatwa nemasimba vachiputsikira pasi. asihapana akakuvara.
32 Ipapo ndakawona vanhu vazhinji zhinji kwazvo, vakauya vakaunganira Gomo irori raive neMatenga.
33 Matenga vachiwona kuti vanhu vawandisa zvino tyisa ani naani, pakaimbiwa rwiyo rusina ani naani akambozwa kuimbwa kwarwo irworwo.
34 vese vakanga vakaungana vakaimba rwiyo irworwo, Matenga vawona kuti kuimba kwavo kwanzwikwa.
35 Vakadaidzira muteyo vazhinji vakarutsa vamwe wakabatwa nemasimba zvikuru kwazvo vachiputsikira pasi.
36 vamwe vakawona zviwoneso nemeso wemweya, vamwe vakaratidzwa zvinhu zvinotyisa chaizvo zvaibva mudenga.
37 Pagomo ipapo pakatinhira zvinotyisa kwazvo.
38 zvino Matenga vakabvunza mibvunzo mukati mechita vachiti (vana Pitorosi nana Mariya) Uko ndiko kuti varume nevadzimai, ndiyani asingatyiswi neizvi.
39 Ipapo hapana nemumwe zvake akapindura.
40 Pakange paine vanhu vazhinji zhinji vakanga vasati vabatwa pamusoro, vamwewo vakanga vasingatende kuti haasi Matenga .
41 zvino vakati vawona zviratidzo nezvishamiso zvakaitika ipapo pagomo.
42 vakati zviro kwazvo, zvirokwazvo uyu ndibaba zvochokwadi kuvanhu achinga munhu kuvanhu, ipapo meso yavo yakatangisa kuwona chokwadi .
43 vakaisa pfungwa dzavo pakadzama, vakafunga kusiyavo zvenyika sevamwe.
44 vakati vadzoka pachechi, pavakasvikira.
45 vazhinji vaya vakazviwonera pagomo.
46 vakati tinoda kureurura, zvavakatadzira Mwari vachiri munyika.
47 kwakanga paina mabarani vainzi Enosi Rusike.
48 Vazhinji vakauya nenyanga, vamwe nemazango, vamwe nezvimbwanana, vamwe namapere, vamwe nenyoka, Zvinhu zvizhinji mabarani nevaridzi vazvo, vaiwuya kureurura zvitadzo zvakaratidzwa vese mubhuku ravo.
49 zvino vakati vapera kubatawo, wachinyorwa vese mubhuku ravo.
50 Matenga vakauya vakavabata pamusoro vese.
51 Asi paimbwa rwiyo Tenzi taungana, rwiyo urwu rwakaimbwa vanhu vazhinji vakapindwa nemweya mutsvene .
52 vanhu vauya nenyanga, nezvimbwanana, nemishonga yakatsaukana, zvayipiswa naBeta naJames vayitora vanhu vacho vaivane makona nezvimwe vachipisa.
53 ava vakomana ndivo vakanga vakapihwa masimba ababa pabasa iroro.
54 Rarimwe zuva vakayendazve pagomo rimwe racho rinonzi Hunde.
55 Igomo rino tyisa chaizvo neni ndakanooriwona munyori weizvi.
56 Panopenya chaizvo, vanhu vasikapo vamwe vakabatwa nemasimba, nekuti vakanga vasvika panzvimbo yinoyera.
57 Ndipo pakabva upfumi wose nenziyo dzinoitiswa iribasa.
58 Kuzoti avamanheru ndokuenda kwaUmtali.