Guta Ra Jehova
Lesson 45

Kubatwazve Musoro Kechipiri

1 Kunoti kana munhu adzokera shure muzvivi, kana arikumusha kwake kana paGuta, anofanirwa kunowonana namabarani weGuta, uvambe kureururazve semunhu mutsva.

2 Vanovambazve kureurura zvese, kana wakatadza uri muGuta kana kumusha kwako, vano reurura pamwe newatsva.

3 Kureurura kechipiri kunopangidza munhu wakadzokazve kechipiri mumashure muzvivi.

4 Asi iwe mirairo achiyiziya, ndipo pano saka shoko revhangeri risingataramukiri kune avo vachiri kuchiva zvenyika.

5 nekuti ndizvo zvinotirambidza kupinda mukati medenga kuti tiyende mumusha weJerusarema munodyiwa uchi nemukaka.

6 Saka kvakadzikiswa Matenga , ndivo vakauya nemweya mutsvene wakaburutswa nerudo rwavo.

7 vanhu vakadzokera shure ndivo vamwe vavo vakaratidza sevakapedza.

8 ndivo vaya wacine makona, nyanga, vanoroya, vachiri kupomba, vachirikunonwa, vachiri kuno svuta fodya, ndivo wanonoreurura vachifunga zvenyika, vasinakura saba.

9 ndivo vaya vanozodudzirwa nemweya kana vadzokashure, vadudzirwa ndivo vaya vanozogumbuka.

10 ndivo vaya vanoti vadudzirwa nechiporofiti vanoti zvaitirweyiko?

11 Nyamba kunamata kwemweya hakuyenzani nekwe nyama.

12 Zvakadaro nevanoba, nevanoshamwaridzana nechitema munyika mugumo vavo kufa vachindoraswa.

13 ndivo vanoshamwaridzana nemishonga nemazango.

14 Nyamba zvawaireurura hazvifanirwi kuti uzvi dzokerezveba.

15 Ndozvinokonzera kudarikira mirairo yeMatenga.

16 Anonge arunzirwa nemadhimoni nemashayi akatsaukana.

17 madhimoni nemashayi zvinoratidza kuti ndivo vatumwa vaSatani, havana nzvimbo mudenga.

18 Mubayiro vavo mugomba remwoto risingaperi narinhi, nekuti havana nzvimbo mudenga.

19 zvino isu tingafawo here muzvivi izvozvi, kana kuti tinoda kupona.

20 Takanga takomborerwa isu nekuti takangatawona nzira yekwekuda nayo mudenga isu vakuru nevadiki.

21 nekuti takapihwa mununuri anotisunungura muzvivi zvedu zvose, masikati neusiku hakuna zororo kwaari.

22 Vanoti chemerera zvivi zvedutose kuti tipinde mumusha tose.

23 Kufanana naJesu vakapira upenyu hwavo, kuti vese vakatenda vave neupenyu husingagumi.

24 Huyayi tipinde muJerusarema umo munosheedzerwa neMatenga.

25 Umo mune kudya kutsvene, uko kunodyiwa nevari mudenga.

26 Neni ndaka nyora izvi sandi kunaka kwete, asi kuyeuchidzana.

27 Ane nzeve ngaazwe zvino taurwa neMatenga muGuta raJehova nevhangere.