Guta Ra Jehova
Lesson 81

Mapipi Ne Zviratidzo ZveMatenga

1 Hama dzangu zvandakanyora izvi zvirimuidi, nekuti ini ndakazvinowera nemaziso angu ndikazvinzwira nenzeve dzangu.

2 Kuwone vakawona izvi vakadayira zvake mapipi nezviiratidzo zveMatenga vakakomborerwa zvavo.

3 Aya mapipi nezviiratidzo zvakange zvichibudiswa apo Matenga vakanga vachiita basa ravo iro ravakaurira.

4 Nemabasa chete akaitwa neMatenga zvakatiratidza kuti uyu ndibaba.

5 Nemabasa avakanga vachiita nguva dzose.

6 Bvanemabasa aya nemamwe mazhinji asina kunyorwa umu,

7 Kune zvizhinji zvochokwadi takaponeswa panyama nepamweya. Zvakaitwa zisina kunyorwa Zvimwe zaco ngeizi: 1. Mukadzi akamutswa neMatenga afa ayiva nedenda rekubuda ropa muHarare. 2. Mweya yakayipa madhimoni yinobviswa yichibuda yichitaura mhosva dzavo kana yikanga yabuda. 3. Kubuda kwenyoka muura mweumwe mukadzi arikurapa ikaratidzwa muHarare. 4. Kwakati mvura yauya nesimba Matenga vakasimudza ruwoko chete yichibva yarega kunaya. 5. Mwana akagara pasi ega achiri kuvamba kuberekwa. 6. Hosha dzose dzakatsaukana dzinobatwa dzichirapwa neruwoko rumwe chete. 7. Mwana akaberekwa asina rudzi akatozoitwa musikana neMatenga. 8. Mhanje dzemakore dzakabereka vana dzarapwa neruwoko chete. 9. Vakanga wakabiswa zvibereko vakabereka vana. 10. Mvura yinosandurwa yichiva mushonga pachirwere chimwe nechimwe chaksaukana. 11. Zvifananidzo zvevanhu vapenyu zvayibuda pavanhu semadhimoni. 12. Kutaura kwevana varimudzinhumbu zvikonzero zvevabereki vavo. 13. Mwana akapihwa mishonga nasekuru vake akafa. Akadzoka otaura pana sekuru wake, achiti vana vemweya havapiwi mishonga yenyika. 14. Vatumwa vakayimba mugomo vanhu vari musvondo, Ishe taungana rwiyo 100 pipi guru. 15. Mwana wakaporofitwa achiri kubarwa kuti anozotaura. Akataura achirimudiki kwazvo, saizvozvo. 16. yunifomu yakaporofitwa yemateteneti neye zvikabudura, zvinorewa kuti imbatya yemweya yinopfekiwa. 17. Vanhu vakanoburitswa murukova runonzi Deuri vakapinda mumusha, pipi guru. 18. Mweya yevatumwa yayidzika yichipinda muhana dzevanhu vapenyu. 19. Gehena rakadzimwa Satani akapihwa Guta rake. 20. Satani akataura mudivi nebasa rake iro ranoita pasi pano nguva dzose. 21. Ngosi dzakauya kureurura dzava vatumwa. 22. Kurapa kunoita Matenga kunoshamisa kana wakuwona. 23. Hama dzangu ndatogurisira zvangu kune zvizhinji zvakaitwa izvo ndisina kunyora. 24. Matenga vakaitabasa guru kwazvo iro ndisina kunyora rose. 25. Kuwone uchazvifunga zvose izvi nezvaakadzi wonerawo zvake achava nerukomborero rukuru kwazvo. 26. Ndiwo mabasa akaita Matenga pasi aya. 27. Kana ukafunga zvose izvi, uchinatsa kudzikisa pfungwa pakadzama. 28. Uchizvibvunza kuti izvi zvataureyi? 29. Uchiyedza kutsvagisisa papfungwa dzako. 30. Uchawona kuti ava ndibaba zvechokwadi kuponesa kune vanotendazvavo. 31. Rimwezve pipi nderekuti murume akagara makore gumi nematanhatu ayine chirwere chemunhumbu. 32. Zuva rimwe Matenga vakanamatira mvura yemushonga. 33. Murume uyu akayitorawo akayinwa. 34. Ndokubva arutsa nyoka iye yayimunetsa muura make pamakoreya ose. 35. Munofunga kuti dayi asiri Matenga angadai akapona here? 36. Vanhu vaMwari zvizhinji zvandakawona zvishamiso. 37. Kune vamwe, vakava nemazita anotyisa asi vakatamba navo, vakada zvenyika. 38. Kune varume ava vaMhundwa naAnyamandura, naJohn vakanzi ndiNowa nekuyimba kwake nevamwe vazhinji vaishandira Matenga kwazvo. 39. Nekuparidza kwavo kwayityisa kwazvo. 40. Pakutaura shoko raMwari. 41. Unenyota yezvese zvandanyora izvi. 42. Ngavauye paGuta raJehova achazviwonerawo ega, pasina kutaurirwa kwete. 43. Ini ndinotyiswa nemabasa eMatenga vanoitwa munyika. 44. Aya mazwi ngaave anokomborerwa namwai ose, muzita reMatenga, muzvokwadi.