Matenga Adzimwa Mweya Munyika Akanosangana Na Mambo Jesu (Tarisa : Deuteronomio 18. 18–22)
1 Murwendo rupi nerupi Matenga vanotsanangudza kupihwa kwavakaitwa basa iri na va Jehova .
2 vakati vari muHarare ku Highfields, pakanga pakaungana mazana nemazana evanhu vachena nevatema.
3 zvino yakanga yiri nguva yezuva rodakuwira.
4 Matenga vakatsanangudza pachena.
5 Richiti ndakanga ndiri munyika sezvamakaita.
6 Asi nguva yakwana ndakarwara zvikuru kwazvo.
7 Ndaka dzimwa mweya wangu munyika ndikafa.
8 Ndapfuudzwa ndakano sangana na mambo Jesu.
9 Rikati ndakawona chita chaJeneti chiri pamhiri chakatarira kwandiri chichiimba.
10 Chakanga chakapfeka mabhachi matsvuku, hamba kamba yedenga Jeneti yiripo.
11 Rikati wuye ndakanosanga nezvinyorwa.
12 Chimwe ne chimwe chaunoita chinonyorwa ikoko, kune zvinyorwa vanangu.
13 Rikati ndasangana Ishe Jesu akanditora akayenda neni kuna vaJehova.
14 Akashedzera achiti ndauya naye baba kuti achinopedzisa basa randakasiya munyika.
15 Kuti ayende kuno ponesa Afrika yose.
16 Ndopavakapihwa basa rose iri rinoshamisa rikadai.
17 Shoko rikati ani naani anotenda kwauri haazofa, asi anozova neupenyu husinga gumi.
18 Sakazvinyorwa zvose zviri mubhuku umu zvinoratidza chokwadi kuti Matenga ava vakauya muidi ra vaJehova.
19 Ngativanamateyi kuti tipinzwewo mudenga ravo dzvene, Tarisa Zvakazarurwa 21. 3–8.