Matenga Vanoenda Kwa Honde
1 Matenga vakati vari muGuta mukaunzwa chichemo nevanhu vekwaHonde, vayidisa kuti vashanyirwewo negwayana seZvakanga zvaitwa dzimwe nzvimbo.
2 Rakati zuva racho rasvika, Matenga vakati rwendo urwu nerwemasoja.
3 zviro kwazvo Matenga vakasimuka muGuta nevanhu varo.
4 Vakatakurwa vanhu nebhasi ra Mr. Nkomo mushandiri weGuta.
5 Masoja akatora ngoma dzavo, madoropito, mureza, nehosho zvose zvikatakurwa zvikaenda serwendo rwavo.
6 Vasvika ikoko munyika yemahonde rakanowana madzimambo akagarira vaiva mambo Mupatsi, Mandeya, na Muparutsa.
7 Matenga varikusvika panzvimbo iyoyo vanhu vazhinji vakanga vaungana vedzvimbo iyoyo yiri pakati pemakomo.
8 Paiva negomo raivapo paiva nerukova rwaishamisa kwazvo pamusoro parwo.
9 zuva iroro pakabva pauya nematiro ayibva mugomo raivapo, asi isu vanhu venyama hatina kuziva chinhu nazvo.
10 baba vasati vatangisa basa vakatorana namambo wenyikayo Mupatsi, vayenda Inyanga kunowona nengosi yeikoko.
11 Shoko rengosi vakati endazvako Matenga unoita basa rako.
12 Vakazoyenda nepamwe panzvimbo panonzi chirikuutsi nzvimbo tsvene.
13 Asi nzvimbo iyoyo hayitsikwe, pakaperera vatema nevachena.
14 Asi gwayana rasvika ipapo namambo nevavhangere nevateveri varo.
15 Rakabatwa nemasimba zvinotyisa chaizvo.
16 Pekare ipapo rakamira petyo ipapo paiti kana unangisa dziwa racho riri nepasi chaizvo.
17 Ipapo hapasaimirwa nemunhu wenyika kwete.
18 Asi Matenga vakamira ipapo vachisvetuka riine mwenje waishamisa kwazvo.
19 Vanhu ivavo nana mambo iyeye vakatangisa kutya zvikuru kwazvo.
20 nekuti vakanga vasingazivi kuti Matenga ndivo vakasika zvose izvi.
21 Vakafunga kutorwa kwakaitwa vatema nevachena ipapo vakati nhasi tichadzoka toga.
22 Ipapo Matenga vakawona Jerusarema , Jobo akauya ne gore raida kutora Matenga .
23 Vakawona wakomana varefu vakanga vaine zvipfeko zvichena, vaine mapumhu marefu.
24 Shoko rikati iJerusarema, gore rikauyazve raida kutora vese, rikatizve shoko hauzivi here kuti hauna guva pasi pano.
25 Ravheneka rakawona vese vaye vakatorwa kare vari kumadokera pevakaunganidzwa.
26 Rikabvunza kuti nhayi chikonzero chinyi, zvikanzi vaiuya Jerusarema vasina kureurura zvivi zvavo.
27 Saka panzvimbo ino payitsikiwe nemunhu asina kureurura, baba havadi.
28 Vadzoka muGuta remahonde vanhu vazhinji vakauya kuzowona basa regwayana.
29 baba vasati vasvika mwoto wemasoja waiwoneka mukati memakomo eikoko zvikashamisa kwazvo.
30 Kuratidza kuti masoja akanga atoveko kare kuratidza basa ravo.
31 zvino vanhu veiko vaifunga kuti rakauya kuzotora vanhu vavo vemudzisvondo, wasingatozivi kuti vatoita rombo rakana nekuti vasangana nechaedza.
32 Asi baba vakapangidza mabasa erudo kumunhu wese akanga akaremerwa.
33 Vakanga vaine madhimoni ehuroyi, dzingozi, hupombwe, nezvizhinji zvakabiswa pamberi pavo.
34 Varoyi vevarume neve vakadzi zvaikururwa pamberi pemeso avo, vachiwona vanhu vvchi poneswa pachena pasina mutengo.
35 Mabasa makuru akaitwa nguva idzodzo pameso avo needu.
36 pipi , pakauya mumwe musikana achiti murikutevera zvenhando, kuzoti ava kumba kwake kamwana kadiki kakati ukayendako unopenga.
37 Ayendako akabva apenga akatouya orapiwa upenzi hwake neMatenga.
38 Pakaitika mapipi mazhinji chaizvo avo ndisina kunyora ose.
39 Pakati nerimwe zuva nemusi weChishanu, pakaitika chishamiso chikuru kwazvo.
40 baba vakauya vaine masimba anotyisa chaizvo rechiita serakuda kubhururuka.
41 Pakauya nyeredzi yakanga yiine chadzera chayityisa kwazvo.
42 pipi rimwe ndeiri, ne rimwe zuva pakatinhira pagomo iroro zvinotyisa kwazvo, rinodaro shoko baba vakanga vadzika vanhu vashe.
43 Rino daro shoko ukayenda pamahwesimike Jobo vakagarira ipapo negore, vanetswa nevatumwa vane shungu chaizvo.
44 Rinodarozve shoko ndiyo nyika yandakasikira zvinhu zvose zvose.
45 Ndiyo nyika yine zvinhu zvose kukunda dzimwe nyika nehova dzeruponeso, mune vakomana vane mapumhu.
46 Ndipo pakabva pasanganiswa maguta ese, zvikanzi Jerusarema ndiro Guta guru remudenga kukunda mamwe maguta.
47 Padzvimbo ipapo pakashandwa basa guru iro ndisina kunyora rose.
48 Nerimwe zuva Matenga vakayenda pajinga regomo rikachema riripo.
49 Shoko rikauya rikati pari kuuya mweni nehowa dzoruponeso kubva mudenga zita rake ndi Jairosi.
50 Mwanakomana we Matenga uyo akasopfuura munyika kare, akaburuka pahonde ipapo pipi guru.
51 pipi guru kufamba kwava Jehova vakabata hopositiki yavo, vanoti baba ndinobva pano musi waunobva pano.
52 pipi guru musiwe nyeredzi yacho Jerusarema rakatinhira rikati gidigidi.
53 Matenga nevanhu vava vakaita sevakuda kubhururuka.
54 Vanhu vakabatwa pamusoro vakakwana zana ne vasere.
55 ndivovo zviro kwazvo vakatenda kuti uyu ndi vaJehova nemabasa bedzi.
56 vakabatwa nemweya yakaipa madhimoni vakakwana makumi mashanu nevapfimbamwe.
57 Vana vakaratidzwa gumi neumwe.
58 Wakapfeka mabanhiri makumi mayiri nevayiri.
59 Wakapfeka mweya mutsvene makumi matatu ne vatatu.
60 Vayiwuya kuzowona zvavo vaka kwana zvuwuru zvine mazana mapfimbamwe nemakumi mayiri ane vatatu.
61 Mukati mevanhu ava mayiti vafundisi vakati madzimambo vakabatwawo pamusoro.
62 Matenga ngaropefandze aya mashoko nekusingaperi. Amen.