Pipi Rokupedzisira Paeaster Yoku Gumisira NeMatenga
1 pipi rokugumisira iri rakaitwa neMatenga mukati medivi rakatyisa ani naani akanga aripo zuvaro.
2 zvino vanhu vakanga vakapfekedzwa vakanzi garai pasi.
3 Pekarepo vakadzi vayiri vakaputsikira pasi vakati rakata sevafa.
4 Pakanga pasara pamwo yavo benzi sezfo vakanga vagarwa nemweya yakaipa madhimoni.
5 zvino baba vakati vanhu vese garayi pasi, vakagarawo vese.
6 zvino Matenga vakashingaira nevakadzi ivavo, vakati vatworeyi muvaendese paseri pemuti uya uri mudivi vakatekwatekwa.
7 zvino baba vakashingaira navo sezvo vakanga vafa.
8 Asi baba vakashingaira navo, vakashingaira navo, vakabva vaamutsa mukufa vakauyanavo mukati medivi, vozvifambiravo vega.
9 Vanhu vese vakanga varipo vakashama vamwe vavo vakati chkwadi uyu ndiMwari.
10 Pekarepo Matenga vakamira pakati pedivi vakatarisa kumabva zuva.
11 Kanguva ikako vakasungisa chari yavo muchuvunu chavo, vakatambanudza mawoko avo mudenga, vakatinhira nemasimba anotyisa chaizvo.
12 Vakati heyo mabasa Africa ayo ari pamberi pako nhasi unoti kudiniko mumwoyo wako iye zvino.
13 Vakati vavanga vakatarisa, ndiyani anga achaziva kuti vachamuka iye zvino.
14 zvino divi rose rakashama chaizvo, vakuru nevadiki vakati uyu ndiMwari wechokwadi nganamatwe wuye ngarumbidzwe.
15 Pakava nemusangano unotyisa chaizvo, musangano wekupedzisira neMatenga.
16 vanhu vaishe hatina kuziva chinhu pakuwanda kwakaita vanhu kudaro.
17 Nyamba Matenga vakanga vari kuwonekedzana nevanhu vavo.
18 Nekuti vamwe vazhinji vakabva vagumisidza kuwonana neMatenga panyama panguva idzodzo.
19 Wuye vakaita izvi kuti munhu wese anatse kuzviwonera kuti vakanga vasiri munhu akafanana nesu.
20 Asi mabasa ese akasiyiwa ayiswa pachena, Wuye zvava kwauri kufunga kuti ndinga vayitireyIwo baba ava.
21 Wayidaro Ivo baba kuwakudza Matenga nekureura nekuchengeta zvizviyiso ndiho upenyu bedzi nekuchengeta mirairo.
22 Tinerombo rakanaka takanga tiripo zuvaro, wuye tine mhosva pamberi pavo takaaona mabasa anoshamisa akadaro.
23 Tayi fanirwa kutyiswa vanhu vashe, Matenga ngakomborere aya mashoko avo nekusinga peri Amen.