Tsanangudzo YeMatenga Vabva Kwa Honde
1 Hama dzangu ndiri mudiki pane izvi.
2 Ndino kumbira pamberi peMatenga kuti vandi regerere pakukanganisa pane mavshoko aya.
3 Panguva idzodzo Dzakanga dziri nguva dzakanga, dzichinetsa, kana ukanga wadzirangarira.
4 zvino Matenga vakange vachiziwa zvavo kuti nguva dzakwana dzokuti vadzoke mukati medenga.
5 zvino Africa hayina kuziya, nekuti yakaramba yakabatirira mune zvaikaipa.
6 Asi nguva yakanga yiri kuswedera padiki nepadiki.
7 Tabva murwendo rwekwa Honde tauya muGuta.
8 zvino zvuwuru nezvuwuru zvevanhu zvakanga zviri muGuta.
9 zvino Matenga vakati vanangu, wakanga uri musiwe Svondo mangwanani.
10 Matenga Vakasimuka vakati vanangu paHonde, ndopakatangiswa kusikwa nyika.
11 Wuye pane Gomo riripo pakanzi ndipo pakafana negomo rakamhara ngarava yaNowa.
12 Matenga vakatizve vanangu vamwe venyu ndafamba famba nehana dzavo.
13 Vamwe venyu vechiti dai Matenga vapfuura, munoti inyore here vanangu, basarino rakawoma kutaura chokwadi .
14 Sezvo pakanga paine shoko riye revakati vanangu handina guva munyika.
15 Asi mwoyo yevanhu vamwe yakakugumba nekuti pakanga parongwa zvinhu zvizhinji.
16 Asi Matenga vakasarudza nzira yokuti vayende nayo vakaita mbwiro ravo munyika.
17 Zvisinenyi wuye zvisinga shamisi asi wuye zvichishamisa.
18 Pane mashoko mazhingi andisina kunyora pane izvi, asi vakawona vakawona vakanzwa vakanzwa, Matenga vachitaura.
19 zvino Matenga vakati newewo here mwanangu ndakakuitira mabasa makuru akadai ndikakutambudzikira mune zvakati mukuti.
20 Pekarepo munhu umwe ne umwe akatangisa kuzvi bvunza mukati memwoyo wake kuti ndiniwo here Matenga .
21 Ndiri parangano iri rekuti mupfuure mukati menyika.
22 Bedzi mabasa evakaita mukati meGuta pangu idzodzo ndivo vachazo kutonga pamberi pamwari vatakawona uyu.
23 Ewakaita vanoti kupomba, kuroya, kushora kutsonyombodza Basa raMatenga.
24 Reurura upone nguva ichiripo gendi richaka zaruka.
25 Vane nhamo kune avo vakaita iri basa vanonge vane upenyu nyangwe vakafakare paupenyu hwavo.
26 Akashinga kuroya, aka shinga kupomba, akashinga kupokana kuti vakanga aziri Mwari , asi mabasa vakaawona, akaitwa pamberi pemeso avo, nenzeve dzechizwa.
27 Asi vanhu ivavo vakanga vaine mwoyo mikukutu yakanga yakafanana neimbgwe rinoiswa mumvura asi rechibuda rakadaro.
28 zvino vane nhamo vakaita iri basa mukati me Guta iri.
29 Asi chinhu ichochi chakanetsa vanhu muGuta chaizvo.
30 Asi Matenga vakashingaira chaizvo tikaregererwa netsitsi dzavo, ngakomborere mashoko avo nekusingaperi Amen.