Pipi Guru Mukati Mweva Chena MuBulawayo
1 Pipi guru rakaitwa neMatenga muBulawayo rakatyisa chaizvo.
2 Mukati mevanhu vayiwuya kuzowona basa raitwa neMatenga, makauyawo newaprista nemadikoni nevafundisi vaiwuya kuzowona zvavo.
3 zvino mumwe muprista wemurungu akauya achipokana.
4 Kuti uyu haasiri iye akatumwa naBaba kubva mudenga.
5 zvino akati auya ne maBhaibheri avo kuti abvunze pamwe nemukadzi wake.
6 Atarisana neMatenga akatyiswa chaizvo, akati ini ndinoda kureurura, akabva areurura zvivi zvake zvose.
7 zvino Matenga pakasimuka rikabata murume pamusoro dhimoni rikabva rabuda.
8 Rikaisazve ruwoko rwaro pamumusoro pemukadzi akabva abatwa nedhimoni.
9 Kuzoti murume abiswa dhimoni iroro, mukadzi wake akabva afa.
10 zvino awona kudaro akatya nekudedera akati afa.
11 akakumbira kuMatenga kuti amutse mudzimai vake.
12 Matenga akati ihasha dzeMatenga nekuti mauya muchipokana pane izvi.
13 Matenga akatora mushonga wemvura akainamatira.
14 Mushonga iwo wemvura akaupa kumurume wacho akati munwise iye zvino.
15 Anwisa mushonga iwowo, pekarepo mukadzi wake akabva amuka mukufa.
16 Akabva abatwa nemasimba zvinotyisa kwazvo, nekuti madhimoni aya akanga abiswa.
17 akati ichokwadi muri vaJehova, takanga tisingazivi.
18 Vazhinji varungu vakabatwa nemadhimoni panzvimbo ipapo.
19 Vazhinji vamwe vaiwuya kuzowona, vainosangana navo Matenga paurefu hweusiku, vachizouya vozvipupurira vega.
20 Rudayiro rwe varungu ava rwakanga rwuchishamisa kwazvo.
21 pipi rimwe tiri mukati medivi Matenga vakanga vari kudaidzira zvifananidzo, nevachena vakabatwawo nezvifananidzo.
22 Mumwe mukadzi wemuchena akabatwa nedhimoni, mweya iyoyo yakaipa yikareurura yikakwidzwa mudenga.
23 zvifananidzo zvaiti zvoburitswa zvaibuda zvakatsaukana.
24 Zvimwe zvaiwe zvemangoromera zvimwe zvehuroyi, hupombwe, kuba, hutsotsi, hunanga nezvizhinji zhinji zvakatsaukana.
25 Nevamwe vayiwuya kuzowona vayibatiwawo nezvifananidzo pasina vakanga vachivabisa mweya iyoyo.
26 Matenga vaiti rikasheedzera chete riri pakati pedivi, ndakawona zvifananidzo na zvizeremukati mudivi imomo, vanhu vakakomberedza divi iroro.
27 Dhorobha rose ranzwa mukurumbira weBasa raMatenga vakazunguzika.
28 vanhu vakauya wakanyanya kuwanda, vamwe vavo vaikwira mumuti, sezvakaita Zekei kuti vatse kuwona.
29 Mukati mekushanda basa umu, pakati Svondo rimweni pakauya vaya vanoti tiri mapositori, vakange vari makumi matanhatu.
30 vakanga vanzwa nemukurumbira neBasa raMatenga.
31 zvino vanhu ivavo vakauya vakadzakatira vasingazivi kuti ndiyani?
32 zvino Vasvika vakapihwa nzvimbo yekugara apo vainatsa kuwona Basa raMatenga.
33 Ipapo ndakawona vamwe vavo vapositori ava vachisimuka vachi zunguza misoro yavo, vamwe vaizunguza vakagara pasi, zvairatidza kuti ava vanhu vakanga vakagarwa nemweya yakaipa.
34 Pekarepo shoko rakanga richiparidzwa zvaityisa kwazvo.
35 Mhundwa muvhangeri , akanga akagarwa naJobo zvaityisa, kuparidza uko akanga achiita.
36 Kuzoti Matenga vasimuka rakati ini ndakauya kubva mudenga.
37 Kubva mabasa ndiwo aya, vatumwa vakaburitswa, vana, Zvirema, mapofu akauwona vachizzipupurira pachavo.
38 Vapositori ava vakazoenda zvavo, vapamberi vakavamba kupopotedzana.
39 vamwe vavo vachiti uyu akauya muidi tawona mabasa anoshamisa kwazvo.
40 zvino vakavamba kupopotedzana vachida kurwisana pachavo.
41 vamwe vavo vakauya vakareurura pamberi peMatenga vakabatwa pamusoro.
42 Kunze kwevaya vachakagarwa nemweya iya yemadhimoni vakasara vakadaro.
43 Kufanana nezvaita Ishe Jesu vakadaira vakapona vakapokana vakanoraswa. Amen.