Guta Ra Jehova
Lesson 162

Musangano Wajeneti Nanowa Pa Krismas MuGuta

1 nguva yeKirisimasi yakati yakwana matirimana ose enyika akauya muGuta semakore ose.

2 Ngenguva idzodzo baba vakanga riri mumushinga shinga sengu yakanga yakwana.

3 Rakadaro shoko Jeneti na Nowa varikushingaira pasi nomudenga kuti zvirege kuitika.

4 Kana neJerusarema harina kumboyimbwa semakore ese, asi rakanga ratopfigwa nepamusana peshoko iroro.

5 zvino iyoyo hamba kamba huru yomudenga Jeneti yakanga yiri kushingaira chaizvo.

6 zviro kwazvo wakanga uri musangano waNowa naJeneti vakashingaira kuti tiwonezve upenyu mugore rino.

7 Kuzoti remangwana acho masoja akanga asimo mudivi sezvo rakanga riri zuva ravo.

8 Nemusi weSvondo masoja akazovapo, wuye pakaratidzwa vana vese kubvira akazarwa kwaSeke dzimara nhasi, divi rikazara rose.

9 Kuzoti zvapera Izvozvo Matenga vakati Jeneti ari kuti iye zvino, shoko richibva mudenga richiti motokari ne upfumi hwese ndezvangu Matenga .

10 Masoja akatowana zvose zvavapo.

11 Motokari dzose dzakafora dzikabuda nekunze kweGuta kuratidza nyika upamhihwa vaJehova.

12 Pakazopfekiwa howa dzoruponeso mbatya yakafananidzwa nengirosi.

13 Pakaimbwa Ishe waburuka kubva mudenga akazovadira mhamba refu pamuchinjikwa.

14 Rikadaro shoko zvawakwauri kufunga kuti zvino reveyiko?

15 Kuzoti tavakurindira gore itsva shoko rakanga richityisa rekutendesa musiki mukuchengetwa mugore Ravo.

16 Nemusi weSvondo wacho pakaratidzwa vana vakakwana 39 huwandu hwavo.

17 Mukati meshoko munhu umwe neumwe akanga achitendesa kusvikira mugore itsva.

18 Rinodaro shoko pemberai makadzipfeka mbatya dzemudenga, makachengetwa kusvikira gore rino 1960 tiri vapenyu.

19 Asi vamwe vari munyika vasangana ne zvizhinji.

20 Asi basa rose kubvira paKirisimasi kusvikira pagore itsva rakanga rakatakurwa na Jeneti , hamba kamba yomudenga.

21 Mashoko angu ekupedzisira pazvinyorwa izvi anoti, wodakuraswa woraswa, woda, kupona wopona.

22 nekuti Matenga takavawona tikarinzwa, zvava zvako kuda kudzokera munyika.

23 Takanga takomborerwa vanhu vashe, dai gwayana ratipa simba rokuti tichengete zvirongiwa bedzi ndiho upenyu.

24 Matenga ngaaropefadze izvi zinyorwa zvebasa ravo, rizotitonderawo mukuguma kweupenyu uhu muzita reMatenga nekusingaperi. Amen.