Kugungudzika Kwababa MuNgarava Yavo
1 Kutambudzika kwababa kunopa tsitsi vanhu vashe kana vakurangarira vachiisazve mwoyo vako kwaka dzama.
2 baba vakatambudzvika chaizvo vari mungarava yavo vakashaya nezororo.
3 zvino ipapo ndopaysiunga vamwe magumbezi kwenda, vamwe vakati kovanozorapa riniko tiwone kuwuya muGuta.
4 Nguva yacho iyoyi yinoshamisa wuye yinotyisazve, nekuti hayina kumbovapo panyika kwete yakawoma hama dzangu.
5 Matenga varimo mungarava yavo vachisheedzera vachidaro siku nesikati.
6 Vakanga vasina zororo vachiti, Mariya iwe, Petrosi iwe ingawani ndakakutambudzikira.
7 Ndakakutadzireyiko inga wani ndakakununura, ndikakubisa mumbasha yeshumba.
8 Ndikakupfekedza idzi yunifomu, ye varwi, ye Jerusarema , ya Jeneti , ye Masoja, neya Mhiriyemu ne Hova dzoruponeso.
9 Ukava munhu mutsva wokutanga muVafrica yose, kushonga nhumbi yomudenga kwauchiri pasi pano.
10 Inga wani ndakakununura mukuromba kwawaita, muumbavha hwawaita.
11 Ndakakubisa mukuroya kwawaita asi wuchirara wani uri kumakuva uchinuhwa nyama dzevanhu asi nhasi wakanganwa.
12 Mhanje dzemakore ndakakupai vana pasina mutengo, mapofu ndakamupai maziso.
13 Zvirema ndakamuswatanudzai, nehosha dzose ndikamurapai.
14 Ndiyani pakati penyu nhasi vanoti handina chandisina kugashidzwa.
15 Konhasi Africa iwe ndakakutadzireyiko, wakanga waitwa mukuru pakati pendudzi dzose.
16 Wakandiwona, ukawona mabasa makuru andakaita, ukadya, ukanwa neni.
17 Asi iwe hauna kundiziya ndikakuitira mabasa makuru mukati mako nemhuri yako.
18 Bvanasi vakaramba vachishingirira kuroya, kupomba, kunwa, kuba, kupokana, kuputa fodya, uri muno muguta wuye ukandizidza.
19 Konhasi uno wamirira papiko mukorore nemukunda weAfrica mumabasavo here.
20 Ndakamushingairayi kuti muzowona zororo mudenga.
21 Ndakamuendesai kuhwanyanaza mukawonanyi ukuru hwangu.
22 Ndikamugezai mawoko makumbo, makotsi enyu, ndikamupai chipikirwa , nengundu dzemudenga.
23 Ndakaendai nemwi kugunde ndikamuratidzai pakabva basa pana Chivako rakanzi Isinayi nepana Chomuwuyu pakanzi iHunde.
24 Mukawonai upamhi hwangu paSeke dzimara kusvikira muno muGuta.
25 Ndikamuitirai izvi neizvi asi hamuna kundiziva.
26 Ndikamupai upfumi hwenyika asi makandiramba.
27 Asi mabasa makaawona pachena komaiti ndiri aniko?
28 Mandifananidza naniko apo makandiwona Maifanirwai kundiziyayi nemabasa ayo ndakaita pamberi penyu.
29 zvino apo baba vakanga vachidaro varikutambudzvika Guta harina kuwa nezororo kwete.
30 vamwe Vakatangisa kusunga mbatya dzavo vachienda, vamwe Vakatangisana kunongedzana.
31 vamwe vakati ava ndivo vakaipa, vamwe vakati kwete ava ndivo vasaka kuti zviwepo.
32 Nyamba takanganwa kuti Matenga vakanga vaisa zvinhu zvose pachena.
33 baba ngaropefadze aya mashoko avo nekusinga gumi Amen.