Guta Ra Jehova
Lesson 111

Musangano WaJeneti MuGuta Ra Va Jehova

1 Musangano waJeneti wakanga warumbidzwa kwazvo negwayaya, kubvira pakati pevhiki dzimara zuva ravakapfekedzwa muGuta.

2 vese vakanga vachida kupfeka mabhache matsvuku aJeneti vakasungwa madhimoni nezvifananidzo.

3 Wuye unototanga wadzidzira chidzidzo che Guta ra Jeneti .

4 Varume vese vaida kupfeka mabhande matsvuku mikwakwa, vakanga vaitawo saizvozvo.

5 Mabande e G. R. J. Matsvuku anobva muGuta ra Ishe Jesu avo akabva muropa rake iye Kristu.

6 Wakanga uri musangano mukuru kwazvo wakatyisa ani naani akanga aripo.

7 Wakanga warumbidzirwa wuchirumbidzirwazve kuti Jeneti na Reshero varikupfeka nevanin'ina vake.

8 Matenga vakati ndawona yunifomu iyi yatsvuka chaizvo.

9 Akati mangwanani eSvondo mudivi makanga muchityisa kwazvo.

10 vanhu vakakwira mugomo, vakadzika vakauya mudivi .

11 Vagara baba vakasimuka rikati nhasi ino izuva guru kwazvo.

12 Pekarepo baba vakati Jeneti na Reshero ngavauye mudivi , pamwe nevakanga vaine vatumwa vakuru vakuru.

13 Vakauya vachingamidzana na Jeneti na Reshero vakanga vatsutsa munyika.

14 Pekarepo baba vakati nhasi kwapfeka hamba kamba dzomudenga NOWA, MOSISI, ARON ne n'anga dze Guta .

15 Musangano uyu wakatyisa kwazvo, zvisakamboitika munyika.

16 zuva iroro nyika yakanga yasandurwa, zvayinge tiri mudenga vanhu vashe.

17 Kuzoti vapfeka yunifomu nemikwakwa yinotyisa kwazvo divi rose rikava nokutsvuka.

18 Mbasha iyi yakanga yisina kufanana ne dzimwe dziya dzataipfeka tichiri munyika.

19 Dziye dzayi pfekiwa munhu abva kuno pomba, abva kunoputa fodya, abva kunoroya, abva kunonwa doro.

20 Asi iyi yakanga yisina kudaro yayitopfekwa nemunhu akanga abiswa mweya yakaipa yose.

21 Iyi yunifomu yakabva mudenga yichidzika pasi kuti tiyi pfeke tichiri munyika.

22 Rinodaro shoko reMatenga yunifomu iyi yine rupawa vanangu.

23 Izvozvi mayipfeka hayina kufanana nedzimwe dzamayipfeka mudzi Svondo dzenyu.

24 Kuzoti ava masikati takapinda mudivi .

25 baba vauya mudivi pakanga pachiparidzwa zvinotyisa kwazvo.

26 baba vakati ndiyo hamba kamba yomukadzi iyo ndakano sangana nayo, apo ndakadzimwa munyika.

27 baba vakati ndakasanga naye, uye ndakanosangana nezvinyorwa, zvose, zvaunoita zvakanyorwa vanangu.

28 Asi apo vakanga vachipfeka NOWA, MOSESI na ARON na Jeneti na RESHERO vakapfekedzwa neMatenga.

29 Jeneti na Reshero vakapihwa mabhaibheri avo nehimu bhuku dzacho.

30 Mozisi akapihwa tsvimbo yake, zvakava nekundityisa zvikuru kwazvo

31 baba vakati nhasi kwapfeka hamba kamba dzemudenga, mabhande anotyisa akabva muropa ra Kristu.

32 Masikati ivavo pakava ne mutinhimira wakatyisa kwazvo, wayitambirwa nevakanga vapfeka kare ne masoja.

33 Kuzoti ava manheru acho takarapiwa.

34 Tapera Matenga vakati nhasi mabandene mabhache matsvuku aJeneti zvatsvuka tsvuka muGuta nhasi.

35 Zava kwauri iwe wapfeka nhasi kuti Vafunga zvipiko?

36 Wada kuti uyende kuGuta ripiko, raSatani here?

37 Matenga vakati vamwe venyu vapiwa mazita ndatetakutaura zvangu nekuti mwoyo wenyu hayina kubata.

38 Matenga vakati apo manga mabira pamhiri apo muchifora matsvuka tsvuka manga misikachadzoki.

39 Kudzadzisa izwi randakambo taura riye.

40 nhasi mabhande matsvuku nemabache zvapfekiwa nevaye vakanga vasina kufanira munyika.

41 Asi nhasi vagadzwa umambo homudenga.

42 Umambo uhu hwakatyisana nemwoyo wangu vanhu vaMwari. Amen.