Guta Ra Jehova
Lesson 87

Masoja Ne Varwi Vakapihwa Kudya NeMatenga

1 ndakawona zuva remugovera roda kuwira, Matenga vachiburitsa mapipi nezvifananidzo zvichiburitswa.

2 Zvakawuya zvakawanda nekuti zvimwe zvaida kupinzwa mumusha.

3 Kuzoti rava zuva remangwanani.

4 baba vakati vanangu endai kurukova munochera mvura nhasi, Matenga vati munopihwa mushonga nhasi.

5 vanhu vese vakapembera nekufara kukuru kwazvo, nekuti vakanga vaane mazuva vasina mishonga.

6 mabhagidhi nemigomo ine mvura yakauya yakazara, ikarongwa mumaraini matatu.

7 baba vakauya vakanamatira mvura iyoyo yose ikava mishonga yakatsaukana.

8 ndakawona munhu umwe ne umwe achitora mushonga uyo unorapa chirwere chake.

9 Kuzoti ava masikati Matenga vakadaidza masoja akapakatira mabanheri newarwi.

10 Taungana Matenga vanoti ndamugadzirirai kudya vanangu, tose takawanekufarira zvikuru.

11 Takagadzirirwa kudya kwakadai nekwe hwai yakanga yabairwa isu, kokakora, netiyi, yakanzi iwani ne chingwa chakanzi chipapata.

12 Zvakavane kushamisa nekuti nhumbu dzedu dzakaswera dzvizere takaguta chaizvo, tisingafungi nekudya chimwe chinhu, nekuti takapihwa kudya kwakaropafadzwa.

13 Takanga takagara pamba yeMatenga, sevarindi vari kurindira, mwoyo wangu wakatya nekudedera pane izvi.

14 Pakanga paine hwai yakanga yisingazikanwi uko yakabva, yakauya apo Matenga vakange vaendaku Sipolilo.

15 nezuva rimwe Matenga vanoti, kuwone anoziya muridzi wayo zvichida vachauya vachitora.

16 Vanoti hwai iyi yakauya nevafudzi vatumwa vazhinji zhinji vapondakanga ndisiri pano.

17 Hwai iyi yayishamisa kwazvo.

18 Yayiti kana vanhu votenderera mudivi yayitendererawo, kana vanhu vodimura divi vakaita mapato yaitawo pamwe nevanhu.

19 Kana vakanzi ngavakwire mugomo, iyo yayitotangira vanhu kukwira mugomo imomo.

20 Yakanga yisinga rovi kuSvondo yayiti Nowa akatangisa kuyimba na iyowo yayitangisawo kuwomo musvondo, kana vanhu Vakatangisa kunamata naiyo yayi pfugamawo.

21 nezuva rimwe baba wakatiko mwopindwa ngemhuka here?

22 Yiri kuita zvose izvi.

23 Bva hama dzangu tinga pindwawo nemhuka here kuwikidza VaJehova.

24 Ngatiseyi pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.

25 zvino apa pachidyo yakauya wo kucidyo, apondakayiwona mwoyo wangu wakava nekunetsekana ndikava nekudedera chaizvo.

26 Daitose tafanana nehwai iyi, rakava pipi guru mukati medu.

27 Hama dzangu handisakambowona kana kunzwa paupenyu hwangu kuti vanhu waipinda svondo nemhuka kwete.

28 Tingaiteniwo kuti vanhu vaipinda svondo nemhuka kwete.

29 Dai tapa mwoyo tivewo hwai dzakanaka pamberi peMatenga.

30 Kuwone usingatendi paneizvi vakafa vachifamba rinodaro shoko vanhu vaMwari.

31 Kuzoti zuva regore itsva rasika.

32 vanhu vakanga vachifarira kuti tavakuyenda mugore itsva iye zvino.

33 Vayisimuka vachitenda Matenga nekuchengetewa kwavo pagore.

34 vanhu vakanga vanzi nemutumwa rwiyo runoimbiwa ndibaba ndiri mwana wako kana ndakatadza.

35 Matenga vakati ndabvunza kuna baba, zvanzi kuchemerera matadzo avo ose kuti apfundzwe ose, nekuti tavakuyenda mugore itsva.

36 Gore rapfuura Matenga vakati vanangu munofanirwa kuimba Jerusarema musha wangu.

37 mwoyo wangu waishushikana zvikuru, saka ndakanyora aya mashoko.

38 Nekuti ndakange ndawona mapipi nemapipi, zviratidzo nezviratidzo.

39 mwoyo wangu wakauya pekuti vaya vakanga vaina mambo Jesu vakaita nyasha , kovakanga vaitirweyiko?

40 vakaimbazve vachiti, Tenzi taungana muno mumba yenyu, vakanga vaunganireyiko?

41 Pasina here?

42 Vakazoimbazve vachiti.

43 Waatkura kuipa Jesu, kwakanga kurikuipa kwaaniko, asi kwakanga kurikwedu.

44 vanhu ava vayiimba vawona maBasa, zve mwoyo yavo yakanga yava pamwe.

45 Vakange voziya chavanoimbira nechavakawona.

46 Koisu tinomuimbirawo tichitiyi?

47 vamwe vakaimba vaparudo?

48 Koisuwo, tawa parudo here?

49 Basa guru riri kuitwa mukati meAfrica bva Africa hayisiri kuwona kwete.

50 pipi rimwe guru ndere mishonga iyo Matenga vanorapisa ndiyo pachirwere chimwe nechimwe.

51 Hamushamiswi here nemishonga yinobva mudenga, Apo anenge akuda kurapa, anotarira kumabvazuva otambanudza mawoko ake opihwa mishonga, zvino wotangisa kurapa, kana vapedza kurapa pachirwe ichocho votambanudzaze mavo avo vakatarisa kumabva zuva voendesa mushonga uya.

52 Inini paupenyu hwangu handisakambowona kana kunzwa munhu anonzi ane mishonga yekurapa yinogara mudenga kwete.

53 Hapanaba pasi pano, chete iyeyu Matenga .

54 Tanga takafanira kushamiswa kukuru pane izvi vanhu vaMwari.

55 Mungawane kushamiswa mune izvi zvinyorwa, bva rangarirai zvikuru pane izvi.

56 Shoko rino daro dai taizivachipo ichii chatakapiwa taiziva BaBa vanhu vaMwari.

57 Topindwa nevashakabvu here kuziya mutumwa ?

58 Asi isu nanhasi uno hatisati tamuziva kuti ndiyani uri munyika.

59 baba vachakomborera aya mashoko pakuerenganari nekusingaperi. Amen.