Guta Ra Jehova
Lesson 36

Pipi Guru Kuyimba KweVatumwa MuGuta Itsva Mugomo

1 Saka nhasi ini ndinoti zvanda kawona, nezvandakanzwa nenzeve dzangu hapana mukuru akambozviwona munyika sakandinoti uyu ndibaba akauya zvirimuyidi.

2 Ndinoti vakakomborerwa vakasangana neMatenga vachiri munyika, ini ndinofaro vanhu vaMwari.

3 nekuti handisasakambowonazve, munyika anobudisa mushura nezviratidzo zvakadaro.

4 Yakanga yiri nguva, ye avo vakanga vakwidzwa mugomo kunotora ngundu .

5 Razuva remangwana atomasikati vanhu vari musvondo, paiva nemumwe murume ari kuparidza shoko raMwari.

6 vanhu vese vari kuteerera shoko, vakanzwa vatumwa vachiimba rwiyo 100 Ishe taunga mumba yenyu.

7 Vakapamidzira zvekechitatu vachiyimba vari mugomo riri ipapo.

8 Tese takanga tiripo takanzwa nenzeve dzedu tese.

9 Hapana neumwe zvake asina kuzvinzwa.

10 vanhu vese vanzwa kuyimba kwakadaro, vakabatwa nemasimba kwazvo.

11 Zakatityisa kwazvo kunzwa vanhu vedenga vachiyimba isu tichiri vapenyu munyika.

12 vanhu vaMwari tine rombo rakanaka kwazvo.

13 Neniwo munyori ndinotenda Matenga nekuti ndakawona izvi ndichiri mupenyuwo munyika.

14 Kuzoti ava manheru vanhu varimudivi, kwakapenya zvinotyisa kwazvo, kwakawonekwa nyeredzi huru kwazvo.

15 vanhu vari kuyimba yakawonekwa yavapa musoro pavo wachiinangisa vachiimba, yakanga yichipenya iripo yikajekesa kwazvo.

16 vese vakawona izvi, kana nemwana muduku akawonawo iyi nyeredzi yayipenya.

17 Zizhinji zakakaratidza Matenga kuvanhu vavo nguva ne nguva, kunyanya paGuta itsva.

18 Mumwoyo yenyu mwakafungawo zvipi, muchiri munyika kune vakawona zvishamiso zvakadaro.

19 Zviri kwauri iwe neni kuti tiise pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.

20 Aya akava mapipi makuru kuvanhu vavo.