Madzimambo PaGuta Itsva
1 Nerimwezuva madzimambo venyika, vakashanyira Matenga paGuta itsva mwaZimunya.
2 vakati vasvika vakakumbira kuti vangawona Matenga here.
3 Asi vakabvumidzwa kuti vapinde muGuta imomo, asi vaiva gumi ne umwe.
4 vanhu vese vakadaidzwa kuti vaungane muduvi.
5 vanhu vakaimba rwiyo rewezana Ishe taunga mumba yenyu.
6 Ipapo madzimambo vakapihwa zvigaro zvekuti vagare.
7 vanhu vakaramba vachiyimba. Kuzoti Matenga vazouya, madzimambo vakakumbira kuti vangawona Basa raMatenga here.
8 vakatanga kupangidzirwa vana kukauya venhumbu, zvirema, mapenzi, nezvimwe zvirwere zvakatsaukana.
9 Nemakaradhi vakanga varipo vakapangidzirawo nhumbu dzavo.
10 vamwe vakadzi vakagara makore 10, vamwe 20, 30, 40, 50, 60, 70, vasina nhumbu, asivava nadzo, vamwewo vaane vana, nevatocena misoro yose vaanadzo nhumbu.
11 vana vazhinji zhinji vakaiswa pamberi pavo zvikawashamisa kwazvo.
12 vanhu vaiyimba, vamwe vachikwira mugomo vachiyimba zvikashamisa kwazvo kwavari.
13 Vakapangidzirwa kurapa kunoita Matenga .
14 Wachiteera mumashure paraini imwene imwe pachirwere chese.
15 Kuzoti vapedza kurapa, mumwe mambo akasimuka akatenda zvikuru kwazvo, nebasa rinoitwa ipapo rinoshamisa kwazvo.
16 vakati kana nemadzibaba edu hapana akambowona basa rinoshamisa rikadai.
17 Aya ndivo mazita avo. Mambo : Zimunya, Gwenzi, Seke, Mupungwanai, Zamuchiya, Ganahwa, Musikawanhu, Mahenye, Mutema, Mupungu, Ndimi
18 Zakashamisawo kuti madzimambo anoshanyirawo Matenga waMwari ngerufaro rwakanga rwakadaro rukuru kuru.
19 Naivo madzimambo vakashamiswawo nebasa rinoitwapo, neGuta guru rinochengetwa nemunhu mumwe chete pasina nebopoto.