Guta Ra Jehova
Lesson 138

Kurindira Gore Itsva MuGuta Ra Va Jehova

1 Yakanga yavanguva yekupera kwegore ravo kuti tichiyenda mugore itsva remangwana acho.

2 Pakanga pakaungana vanhu vazhinji kwazvo vakanga vabva mumatirimana enyika.

3 Munhu umwe neumwe akanga achichemera zvitadzo zvake kuti zvipfuudzwe neMatenga.

4 Kuti tiwone kupinzwa mugore itsva.

5 vanhu ava vakanga vachisimuka vachiparidza zvaityisa kwazvo.

6 vachiti Matenga tipinzeyiwo mugore renyu itsva matisuka zvivi zvedu zvose.

7 Ngatichisiyayi kupomba, kuba kuroya, ruchiva, kuba, makuhwa, kureva nhema nezvese zvakadaro, tiyendewo mugore ravo itsva.

8 zvino vanhu vayichemerera vachiti kana paine zvandakatadza pane izvi Matenga ngavazvipfundze.

9 Kuti ndiwone kupinzwa mugore itsva ramangwana.

10 Kuzoti dzava 12 dzepakati peusiku nguva dzasvika muvhangeri akati nguva yakwana umwe ne umwe ngaazvinamatire pachake.

11 Dzasvika nguva idzodzo bhero rakachaiwa, pekarepo vanhu vakabatwa nemasimba.

12 zvino vamwe Vakatangisa kupembera vachiti tava mugore itsva.

13 Uku sandi kuziwa kwe munhu asi upenyu hweMatenga chete.