Guta Ra Jehova
Lesson 86

Zvishamiso PaChristmas MuGuta

1 izvi zinyorwa zvangu ndezvekugumisira, apo ndainyora.

2 Yakati nguva yeChristmas yakusvika, iyo umwe neumwe anoziya.

3 Ini ndakanga ndiri muGuta ra Jehova , iro riri Jerusarema rakadzika munyika kubva mudenga mune wokutanga newekugumisira.

4 Mashura ari kuitwa zuva nezuva.

5 Ndakanzwa Matenga vachitaura vachiti vanhu vasimudzwa naBaba zvakanyanya kwazvo.

6 Varikuuya kuChristmas pano.

7 Ini ndakati ichokwadi, nekuti zvaitaurwa neMatenga zvaitawo saizvozvo; Tarisa Johane 3 vesi 36.

8 Kuzoti Mazuva ivavo, ndakawona motokari dzichiuya nevanhu vazhinji zhinji, vamwe vaiwuya netsoka kuuya kuGuta.

9 Pakauya mazana nemazana evanhu.

10 Huwandu hwavo hwakanga hwuchityisa kwazvo.

11 Kuti vanhu ava vese vari kufambira pasina here?

12 Ko vakawoneyiko? paGuta apa, kana kuti vakawoneyiko, kune Matenga , vachisiya misha yavo vachimhanyidzana zvakadai kuuya muGuta.

13 zvirokwazvo, zviro kwazvo vakawona chokwadi chamwari muGuta.

14 Kwete kuva vachada kunyengedzwazve nezve nyika, nekuti vayida kupona pamweya ne panyama zve.

15 Nekuti vakanga vawona chokwadi cheMatenga munyika.

16 Rasvika zuva guru rekuberekwa, kwamambo Jesu munyika iyo yiri Christmas.

17 vanhu vazhinji zhinji vaiva muGuta, vakafuma kumuka kunze kwaakuyedza.

18 vakanga vakatungamirwa naNowa muyimbi weGuta.

19 vakanga vachiyimba rwiyo runoti Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

20 vanhu ava vakanga vachiyimba vachipembera nezvigurangu mumawoko avo.

21 Vayienda pamba yeMatenga nepamotokari yacho vachitenderera nezvigurangu mumawoko avo.

22 Kuzoti vaenda kudivi reupenyu.

23 Vavhangeri vakanga vari vatatu, muvhangeri mukuru Mr. Nyamandura, kouya Mr. Mhundwa, kozouya Mr. Chareka vaka nyora tsamba yezvekuberekwa kwa Jesu.

24 Vakazonzi ngavakwire mugomo.

25 Vaamo mugomo vaiyimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

26 Kwakapera kanguva kashomanani baba vakabuda mumba yavo vakapfeka nguwo chena, dzakanga dzaka chena sechando.

27 Vakanzi ngavachiuya kubva mugomo, vayidzvika vachipembera vayine zvigurangu zvavo.

28 baba vakamira pakati pedivi vachiti, mangwanani vana vaJehova, tachengetewa tose paurefu hweusiku uhu.

29 baba vanoti tinotenda musiki vatiunganidza zvakadare nyama nemweya zvichiri pamwe.

30 vanhu vayipururudza vamwe vachiridza mheterwa.

31 baba vanoti vanangu musangano uyu, musangano wevatumwa vedenga munyika vauya vazhinji zhinji.

32 Ipapo baba vanoti yavanguva yevatumwa iyezvino, gadzirirai hana dzenyu, kuti vabude zvino.

33 baba vakasheedzera, vatumwa ava vakamhara mweya yavo pamunhu umwe neumwe, asi baba vakanga vachisvetuka, vamwe vanhu vakasara vakagara, asi vamwe vakanga vava nevatumwa vayisimuka vachitenderera divi , sevari kuda kubhururuka, mawoko avo akanga akaswatanuka semapapiro, ari seri kwemisana yavo.

34 mwoyo wangu wakava nekutyiswa kukuru kwazvo.

35 mwoyo wangu wakayenda panoti tochitanga kunamata tinoti, Muzita rababa nemurumbwana nere mweya mutsvene ameni.

36 Ndiyeyu akauya, isu tinoti, Muzita rababa ndivo VaJehova, neremurumbwana, ndiye mambo Jesu, une hwai pamufananidzo vake, nere mweya mutsvene , ndiyeyu unemufananidzo weshiri.

37 Munofanirwa kashamiswa, zve munofanira kurangarira paneizvi.

38 Ndiyeyu akauya muAfrica.

39 Saka hama dzangu, saka muchiwona aya mashura nezviratidzo.

40 mambo Jesu vakaratidza mapipi nezvishamiso, nezvehwai kuti iye mufudzi akanaka unotifudzai tose.

41 mweya mutsvene unodzidzisa vanhu kubhururuka, nekuti iwo une mufananidzo weshiri.

42 Hakunazve umwe ari pasi pano ano fundisa vanhu kubhururuka mumweya, kwete munyama, asi mweya chete.

43 Mabasa chete ndiwo anoratidza kuti uyu ndibaba, rinodaro shoko.

44 Saka ndataura izvi nekuti ini handisati ndambowonazve munhu wemunyika anoita izvi.

45 Hakunazve umwe ari pasi pezuva anoita zvekadare.

46 Munofanirwa kushamiswa ndizvo nekuti hazvisati zvamboitikaba zvemunyika.

47 Ava vatumwa vakanga vachitinhira apo vakanga vachitenderera divi .

48 Kuzoti zvapera baba vanoti shoko rati vamwe vanzi ngavapfeke mabanheri avo vatambewo Christmas vanavo.

49 Kuzoti vapfeka ndakawona zviwunu zvavo, zvasungwa, makadzo avo apakatira mabanheri aya emumusha.

50 Vapedza vavhangeri vakataura mashoko semazuva ese.

51 zvino baba Vakasimuka vakati, musasangana neavo vane mabanheri, imwi mapfeka mweya mutsvene , shoko radaro kubva munababa iye zvino.

52 baba vanoti chisimukai mupembere, kufarira kuberekwa kwa mambo Jesu.

53 Vakasimuka vachiyimba, Jerusarema musha wangu mushawakanaka unekudya kutsvene.

54 Wayidmura divi vakaita mapato nemapato, vaiti bato remasoja, vane mabanheri, vaya Vakapfeka mweya mutsvene vegawo, varwi, vemateneti, vazere vane vana, varwere, vakomana, vapwere, neVasvikana vachidimura divi sezvinoitwa mudenga.

55 vanhu ava vakanga vachiyimba zvinotyisa kwazvo.

56 Vamiswa baba vanoti, kutamba kwamwaita munoti ndekwenyu here?

57 Hamuzvivi here kuti vatumwa vese ava vagere pamunhu umwe neumwe.

58 Mutinhimira mwaunzwa here? nemakwa, baba vakati iswawu idzodzo.

59 Munhu nemunhu akava nekushamiswa kukuru kwazvo.

60 Ava masikati takapinda musvondo, Matenga Vauya zve.

61 vanhu vanzi ngawafore nekupembera nezvigurangu.

62 Kuzoti tapedza, baba vanoti kokumagumo kuchawenyiko?

63 Rakadaro shoko reMatenga kuguma kwazvo rufu pamagumo neizvi.

64 Rava remangwana acho takafuma kumuka, tikaenda mudivi , takwirazve mugomo.

65 Tadzika vanhu vachiyimba takaendazve mudivi . baba vakaburitsa vatumwa.

66 vamwe vayi pinzwa mudenga mweya yavo, yevanhu vaya wakazofa kare mweya iyo ndiyo mweya iya yakanga yiri kuGuta raSatani, yimwe yayibva mushumba.

67 Kuzoti ava masikati vanhu vakapindazve mudivi , vakanga vachiyimba zvinotyisa kwazvo.

68 baba vakauya, vakati vamire pakati pevanhu vavo vazhinji zhinji.

69 Vakati, komuri kudeyiko kuti zvifananidzo zviwuye, kana kuti mumache, kanakuti motokari dzitenderere divi dza Jeneti radaro shoko kubva kuna baba.

70 vanhu vakati tinoda zvifananidzo, nekuti vayiziwa kuti tabviswa zvifananidzo izvi, tinonunurwa kubva mumadambudziko.

71 baba vakamira vakati nezwi chete, zvifananidzo ngazviwuye, vachimhanya apa ne apa baba vachisheedzera nezwi guru.

72 vanhu vaMwari, ndakawona zvifananidzo zvichiuya zizhinji zhinji, zvaibuda pamunhu nemunhu vakuru nevadiki zvichipunzikira mudivi .

73 Zvimwe zvaiwa zvevanhu vapenyu, zvaiwuya zvichitaura, zvichiroonora sekuroya kwazvo.

74 Zvimwe zvaibvisa nembatya, zvichizoita izvo zvaitsoita kare, zvaibuda zveuroyi, njuzu, n'anga , mangoromera, nezvakatsaukana.

75 Zvimwe zvaiwuya zvichireurura zvivi zvazvo, kuti zviwone kupinzwa mudenga neMatenga.

76 Zvapedza kureurura mweya iyoyo yakagarira kuti ichipinzwa muGuta remudenga, muJerusarema, muGuta raJeneti, muGuta, ramambo Jesu.

77 baba vakati imbai Jerusarema musha wangu.

78 baba vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo, mweya iya yose yakatinhira yichienda mumusha yose.

79 Kuzoti zvapera Matenga vakati chimboforai, tapedza kufora mutumwa akati shoko rati motokari dza Jeneti ngadzitenderere divi .

80 Dzakatenderera denga nepasi zvakatinhira.

81 ndakawona motokari dzichinotorawo zvigurangu, dzichipemberawo, nekuti dzakanga dziri motokari dzeMatenga.

82 baba vanoti Jeneti vatendesa.

83 Vanoti mafungazvipi vana veAfrica mumwoyo wenyu, rinodaro shoko, ukada Zvenyama unopupura Zvenyama, Ukada zve mweya uchagashira upenyu husingagumi.

84 Apo Matenga vayirapa vanhu Manatsi Ndoro ndiye ayiverenga vanhu mudivi .

85 Dai tachengeta mirairo yeMatenga tingazova neupenyu husingagumi.

86 Tiise pfungwa pakadzama pane izvi tose.

87 Rakati rava zuva reChishanu Matenga vamire mudivi vanoti nhasi kune zamanisheni revasikana nevakomana.

88 vakayenda kuJorodhani nevatungamiri wavo.

89 Kuzoti vakudzoka vakanga vava nezvigurangu vachipembera.

90 Nevabereki vevana ava vakasimuka vachi pembererawo.

91 vese vakabva kuJorodhani vakanzi itai raini. vakanga vakagara vakanangisa kumabvazuva.

92 baba, vavakanamatira mvura, ikava mushonga.

93 vakatanga raini revasikana, kukazogumisira raini revakomana.

94 vaine mbiwa muchinjiko panhumadzavo, vachinwiswa mvura iyoyo, imwe vachiduririrwa mumaziso avo, kuti ruchiva rubve muvana ava.

95 Izvi hazvisakamboitika munyika, bva netsitsi : dzavo zvakuburitswa pachena, rakavapipi guru, kuwone vakawona izvi anopupurananeni paaya mashoko.