Guta Ra Jehova
Lesson 79

Guta Rinoda Kuputswa Neva Vengi, Zvino Vawengi Vano Kundwa NeMatenga

1 zvino ndakawona vakuru vakuru vazhinji sevafundisi nemadhichoni nevamwe vanhu vachiita matare ne matare vachirangana kuda kuti Guta reMatenga ribve pano panyika, vachiti varikutora vanhu vedu.

2 Vayitongana pachavawo, vachipanana mibvunzo yakawoma kwazvo.

3 vachiti munhu uyu simba rokuponesa akariwona kupiko, munhu wemukadzi.

4 Zvanga zvakafanira kuti isu tiriite vanhu wevarume isu takachenjera isu.

5 Asi ava vanhu vakakanganwa kuti ivoMatenga vanoda vanhu vanoenda kusvondo dzavo. zvevakauya kuzoponesa bedzi.

6 Haana chechi chete kuponesa munhu wodzoka kuchechi yake bedzi.

7 Ipapo vose vakaedza kuenda kuvatongi venyika.

8 Wachiendesa marhipoti akayipa nekunyorera mutongi mukuru matsamba.

9 vachiti Basa raMatenga ava harina kunaka.

10 Wachitauza pupuhwe zviro zvemanyepo, pamberi pemutongi C.N.C. vamwe vanhu ivavo ndivo vaya vaiti kunamata vanoda, asi zvenyika uchidazve.

11 Havana kupedza kureururazve zvivi zvavo zvose.

12 Vanga vachida kuponaseyiko ivo vachine pfuma yezvivi.

13 Vayenda zve kumutongi mutongi vayivabvunza vachiti ndiwudzeni chikonzero icho musingamudi ndicho.

14 Ipapo vakavamba kubvunzana pachavo tikati vanhu vanoenda kwaari vachiponeswa,

15 Mutongi akati koimi hamudi here kuti vanhu vaponeswe?

16 Kana tikati vanoti ndakauya kubva mudenga, zvino mutongi anozoti koiye haasiri iye here, hamushami here nemunhu anoponesa vanhu vazhinji neruwoko chete? abata munhu oita nhumbu nekuna matirwa chete.

17 Paiwa nevamwe varume vaviri wayisevenza mudhoropa mwoyo yavo yakatambudzika kwazvo, vanzwa nezvevewe renhandu dzvaida kunoputsa Guta .

18 zvino vakaedza kutsvakisisa kuti chiyi chaangaita.

19 Akatsvakisisa dzimara anzwa akauya kuzoudza Matenga .

20 Asi zvakanga zviri kuitika.

21 Ndobva Matenga vakashingaira kwazvo.

22 Vakawona vanga ari kuda kuno paradza Guta .

23 zvino paiva nemumwe murumewayinzi.

24 Siyahamba zita rake ayigara pedyo neGuta reMatenga munyika yaMambo Zimunya.

25 Ayiv munhu ayiziya mitemo yekutonga kwazvo.

26 Vavengi vaya vayida kuti Guta ribve vakayenda kunotengera kwaari.

27 Kuzoti zuva rimweni akagara pamba yake.

28 akatarira muGuta akati ini ndiri kuenda kunoparadza musha uyu usina mhosva, nepamusana pemari chete.

29 Kuzoti manheru acho akagara mumba make akawona rambi guru richiuya mumba make.

30 akatarira kuti awone munhu akaribata akashaya kuwona munhu wacho.

31 Rambi rakasvika pamusuwo rikapinda mumba rikachenesa imba yose.

32 Ipapo akawira pasi, nekuti rakanga rakabatwa nemutumwa weGuta wemudenga aichengeta Guta iroro.

33 Kuzoti amukawo akatarira rambi akarishaya.

34 Akava nekutya nekudedera kukuru kwazvo.

35 Kuzoti avamangwana haana kuziwv kuti zvauya seyiko?

36 Ipapo ini ndinoti uyu murume akaitwasa Sauro achienda Damasika kunoparadza Tarisa Mabasa eVapostori 9. 3-6.

37 Kuzoti avamangwana akanorongedza achitya.

38 Ari murwendo rwake rwekuti ayende kunoparadza nekuchiowona mutongi mukuru wemuHarare.

39 Akasvika nepahotera ya Elisi Murapa. Akati ndinoda kuti mundigadizirire kudya kwakanaka.

40 Arikudya akabvuzwa kwaangaari kuenda.

41 Elisi akati kohaunga ndigadziriri womhosva yangu, kozvamurimi vakuru vakuru.

42 Kuzoti ataura kuti anoda kunoparadza Guta Elisi akawira pamberi pake akamuudza kuti wona ini ndakanga ndavarufu, ndika mutswa mukufa, ndikapiwa nhumbu, zvino ndavanayo.

43 Nevazhinji varikuponeswa ipapo.

44 zvino Elisi akati ndinoda kuti undi yamure nevavengi vanoda kuputsa Guta .

45 zvino murume uye akarohwa nehana akatya, akatondera rambi riye guru raakawona kumba kwake.

46 Ipapo Elisi akamuudza kuponeswa kwese kunoitwa vanhu.

47 Akati ichokwadi uyu muponesi wechokwadi ndibaba.

48 Akamutora akaenda naye Siyahamba kuna baba.

49 Akasvikareurura zvivi zvake zvose akabatwa pamusoro.

50 Ipapo Siyahamba akava murume anoda Mwari akabva apindwa nemweya mutsvene , Ndiye wakazoendakokanira Guta nguva idzodzo afemerwa naVaJehova.

51 Daitaita maufambire mutsa tichisiya wekare, tese tingazofayidzwa kuti vana vaMwari.

52 nekuti iye Mwari anoda vanhu vavo vese, kana vachichengeta mirairo yavo yose.

53 Mwari havadi munhu ane zvivi.

54 Kumbirai kwavari vanokupai zvose izvo zvamunoda pamberi pavo.