Kupfekedzwa Kwema G.R.J. Ne Yunifomu Ya Jeneti Na Mhiriyemu MuGuta
1 yunifomu iyi yinokosha kwazvo, hayifanane nedzimwe dziye dzatayipfekedzwa kwete.
2 Kunoti kana wuchida kupfekaiyi yunifomu unofanirwa kuva wakachata.
3 Kutanga usati vapfeka iyi yunifomu nemikwakwa ye G.R.J. ne mabhache acho unofanirwa kusungwa madhimoni mweya yakaipa.
4 Wuyezve unofanirwa kudzidzira chidzidzo chacho.
5 Wapedza woyenda kumba yekusungirwa madhimoni ndikokuti uzoyipfekedzwa.
6 izvi zvinoratidza kuti inhumbi yinokosha kwazvo vanhu vaMwari.
7 Inhumbi yeupenyu husinga peri iyo yinopfekwa nevari mukati medenga muma Guta akatsaukana.
8 Rakati rasvika zuva rokupfekedzwa kwevanhu muGuta.
9 Ndivo vaya vakabiswa madhimoni engozi, eruchiva, ekuba, ehun'anga, ehuroyi, neehupombwe, nemamwe mazhinji akatsaukana.
10 zuva iroro vanhu vakapfekedzwa mudivi Matenga vakati tendera pachigaro.
11 Rakanga riri zuva rekuwerera ropa pamuchinjikwa zuva reChishanu masikati.
12 Kuzoti vanhu vapfeka divi rakava nekutyisa kwazvo rikatsvuka ropa rose rakanga rechiwerera.
13 zvino shoko reMatenga rikati ndinondo pfekedza kana papi asi muchenjere nayo.
14 Wuye yinemubvunzo pamberi kana waregedza kuteerera mirairo yacho yinodiwa.
15 Pitrosi na Mariya muchenjere zvamapfeka nguwo iyoyi, izvi sandizvo dambenazvo vanangu.
16 Vakadzi Vakapfeka zuva iroro vakakwana mazana mayiri nemakumi mana nevanomwe.
17 Varume vakakwana zana nemakumi mana nevatanhatu vakanga vapfekedzwa mikwakwa yeropa rakristu.
18 Mapofu nezvirema zvakapfekedzwawo musiki haatsari vanhu vaMwari.
19 pipi guru guru zvisamboitika kuti vanhu vomu denga vanotamba Easter neve pasi.
20 Kuwone akapfeka zvake achichengeta mirairo yeMatenga ndiye achazova neupenyu husingagumi. Amen.