Guta Ra Jehova
Lesson 93

Matenga Vanoenda Zaka

1 Rakati nerimwe Svondo Matenga vakati vanangu paita rwendo rwekuenda kuZaka.

2 zvino Matenga vakatora Charisi naJohane vakanga vachifambisa ngara mbiri.

3 vari mukati merwendo zvino ngarava yimwe yakafa, hayina kuzosvika uko vakanga varikwenda.

4 Kudzadzisa zvakanga zvarongwa neMatenga.

5 Asi ngarava yeMatenga yakasvika zuva iroro.

6 Mungarava umu mayiva neMatenga, naJobo, naJohane, naChigurangu, mai Hudzi naMai Dokwani.

7 Mukati mekufamba umu motokari dzayibhururuka chaizvo.

8 vakanga vayenda kunowona vana wavo.

9 Kuzoti ava mangwani acho Matenga vari kufamba famba zvavo vakasanga ne vamwe vanhu vayiri.

10 Mumwe wa vavo wakati mhoroyi, zvino mumwe akati unoti mhoroyi wakambowona munhu akadaro here?

11 vakati fambeyizve wakasangana nevamwe vakavatizazve.

12 vanhu ava vakatya kutarisana nechiso cheMatenga vakauya muAfrica.

13 rava zuva remangwana acho Matenga vakati nyika ino yazunguzwa vanangu baba vadaro.

14 Remangwana acho vanhu vakawuya vazhinji zhinji vachiti isu tauya kuti tiponeswe.

15 zvino Matenga vakati kwete handisauya kuno kuti ndishande basa asi ndauya kuwona vana vangu anenyota ngauye kuGuta.

16 Asi vanhu ava vairamba vachiwuya dzimara tisimuke kuwuya.

17 Pamba ipapo pakashandwa Basa guru guru kwazvo, paropafadzwa neMatenga.

18 Pakaitwa mapipi nemapipi, ndipoka pazopfekedzwa mutumwa wepikacha ipapo. Pipi rinotyisana nemwoyo wangu kana ndarirangarira.

19 pipi rimwe ngerekuti pakaita rwizi zita racho rikanzi Deneti.

20 Kuzoti tamuka remangwana acho takamuka paita sepanaya mvura.

21 Kudzadzisa zvakanga zvarongwa, paka ita Basa guru guru kwazvo.

22 Pakaitwa mashura nezviratidzo izvo ndisana kunyora zvangu zvose, tina Mwari vanhu vaMwari. Amen.