Musangano We Mabanheri
1 Kwakati Basa raMatenga riri kukura zviro kwazvo.
2 zvirongwa nezvirongwa zvakanga zviri kuwandudzwa.
3 nguva dzose chataurwa neMatenga chinodzadzikiswa.
4 Matenga vari kuti, ndanzi naBaba vanhu vaenda kuGundu, ko Mabanheri ari kupiko?
5 Inga vanhu vako havana mabanheri.
6 Kuzoti kwapera mazuva mashomanani Matenga vaenda Chipinge vakadzoka.
7 Matenga vanoti baba vati vanhu vakonga vapfekedzwe mabanheri.
8 Kudzadzisa izwi reMatenga pasi penyika.
9 Mr. Mhundwa ndivo vakatanga kupfekedzwa Banheri vataurirwa mhando yacho.
10 Tawona zviro kwazvo vanhu vese vakatengawo, Nekuti chese chaitaurwa neMatenga vayiziva kuti chineupenyu husinga gumi.
11 Svondo iyoyo yakapfekedzwa vanhu Mabaneri pakava nemusangano mukuru kuru kwazvo.
12 Zendiro Svondo rakatutsirwa mweya mutsvene munyika yose.
13 vanhu vakatambira mweya iwowo.
14 vanhu ivavo vakanyorwa namabarani Inosi Rusike weGuta ne muMatenga vakanyorwawo.
15 raiva zuva reMugovera vanhu vazhinji zhinji vakanga varipo.
16 Matenga vaiwa, nemasimba anotyisa kwazvo.
17 vanhu vari kuyimba vachitenderera divi rine upenyu.
18 vanhu vakanga vatambira masimba vagere pakati.
19 ndakawona Matenga vachisvetuka vachinga vanoda kubhururuka hama dzangu vazere nemasimba anotyisa kwazvo.
20 ndakawona vanhu vachitenderera divi baba vachimhanya apa neapa sevari kubhururuka, semufudzi ari mukati mehwai dzake.
21 baba vari kunhanya zvakadaro ndakawona vanhu vacibatwa nemasimba zvakatyisa munhu wese akanga aripo.
22 Kuzoti tapedza kutenderera Matenga vanoti, vaive pakati pedivi vanoti, kovanangu munoti mwanga muri pasi pano here?
23 Konhasi vawona mashura nezviratidzo unotiyiko mupfungwa dzenyu mwafunga zvipiko nhasi?
24 Guta rose ranga risiri pasi pano asi mudenga ratorwa rose naBaba.
25 Tose isu takawona kuti zviro kwazvo zviro izvi tichatongwa nazvo kana tisateera mirairo yeMatenga.
26 vanhu vakatambira mweya vakanyorwa vese.
27 Kuzoti rava remangwana vanhu ava masikati vakapfekedzwa Mabanheri vakawanda kwazvo.
28 Vapakati ramabaneri emumusha kumusoro zvakava nekutyisa kwazvo.
29 vanhu vose vakabatwa nemasimba zvinotyisa.
30 Ini pfungwa yangu yakashaya ne pekuenda, ndikafunga ndikati mwari vakadzika munyika, hameno hake achirikuti Mwari achikumusoro vakauya hama dzangu.
31 Dai muAfrica isu tose taziya kuti Mwari akadzika tayizova neupenyu husinga gumi narinhi.
32 Kuzoti ava manheru baba vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo. Avakuda kurapa raini revarwi.
33 Vanoti vese vapfekedzwa Mabanheri ngavauye muduvi.
34 Bva rwiyo vakaimbirwa iwo rwakatyisa hama dzadzangu nguvaimwe neimwe apo vanenge vachirapa vemabanheri.
35 Vanoimbirwa, vatakura kuipa Jesu kusi rikuipa kwako.
36 Ini ndakang ndapfekedzwawo mwoyo wangu vakatya nekudedera.
37 Ini kuita kweMatenga kunoshamisa nguva dzose ngatibatisiseyi chatakawona hama dzangu.
38 Zvaazvako kuzviwona ukapfekedzwa kana kuti kwete.
39 Mapipi nemashura wakafeka zvako Kabva ngetsitsi dzavo waanaro.
40 Asi hazvina kumboitika munyika kuti iwe neni muAfrica tipfeke mabanheri omumusha.
41 Ngatisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.