Tsananguro ReBasa RaMatenga
1 Takagara makore nemakore handisakambowona kurapwa kwakadai uko kunoiswa neMatenga vaMwari paGuta raJehova.
2 Zvinoshamisa kurapa uko kwavanoita.
3 Wese munhu aripo anozairwa neruwoko chete runoyera.
4 Vanorapa kayiri pazuva, asi vanorapa 1 ava 5 minitsi chete.
5 Vanotanga zvirema, kouya varume, venhumbu, varwere, vokuchikwa, mapofu nembewewe, kozouya vedenda.
6 vese ava vanorapiwa ngekanguva kashoma nani ikako.
7 vamwe vanonoka kupona nenzira yezvikonzero zvavo.
8 ndivo vaya vanoita zvisingadiwi nemutemo veMatenga.
9 Panorapiwa nenguvaya yandataura, vanhu vese vanopera kurapiwa nekanguva ikako.
10 Hapana mumwe chete anosara kurapiwa vese vanorapiwa kubvira varume, vakadzi vese nevana vanorapiwa.
11 Kudai kusiri kuti ibasa raMwari hapana dokodera kana n'anga zvayo yinga rapa huwandu hwakadaro ngekanguva ikako hapana.
12 Kuzvisikwa zevnyama zvose hapana angaita zvakadaro, kupedza kurapa vanhu ngekanguva shomanani chete.
13 Hapana anorapiwa akabvisa hembe, asi Matenga vanotorapa pamusoro pehembe yemunhu anopona chete.
14 Matenga vanotsaira benzi neruwoko benzi achirumba, munhu anopona ariwese.
15 Ruwoko rumwe chete runobata hosha dzakatsaukana, dzose zuva nezuva.