Guta Ra Jehova
Lesson 152

Guta Ra Mhiriyemu

1 Guta raMhiriyemu iguta rinotyisa kwazvo, Guta romutumwa mukuru wedenga.

2 Iguta revasikana nevaye vakapfeka ropa raKristu.

3 muGuta imomu munopindwa nemunhu akateerera mirairo yegwayana.

4 Vane rwiyo rwavo rwunonzi, Wona vanhu vako Mwari kudza dzose nguva unovachengeta iwe.

5 Ndimo mune vasikana vakapfekedzwa G. C. U. ruwadzano nechita chake chakapfeka.

6 Tarisa EKSODO 15. 1–21 ndimo munoratidza chokwadi bedzi chababa.

7 zvino baba vakaisa chiziyiso cheupenyu husingagumi chemweya, vakavamba kutsanangudza vachiti.

8 Apa iguta re Jerusarema , apa ramambo Jesu, apa pana Nowa na Mosesi, Guta ra Miriyemu pane Gomo refu ne Muwuyu, Kouya Guta ra Jeneti , pamberi pane rukova runonzi Deneti.

9 Towuyazve nemberi kwe Jerusarema kune vafemberi ne vachenjeri.

10 ndivo vanotaura zvose zvinoitwa mumaguta ose aya.

11 ndivo vanonyora zvose, zvinonyorwa nepenzura ne mashini, kwete zvemunyika.

12 Kana wafa uri muGuta ra vaJehova wakachengeta mirairo yeBaba uchanosangana nazvo zvose izvozvi. Amen.