Kudzikwa Kwe Mureza Wemudenga Pa Chikomo Pipi Guru
1 Rakati Svondo yezuva rodoka vanhu vakabuda muGuta wachifora vakaita mapato nemapato.
2 izvi zvairatidza upamhi hwebasa ra vaJehova.
3 Akati masoja ne vemateneti ne mamwe mapoka, avapamhiri pachikomo chiripo.
4 Matenga vakatarira riri mudivi rikawona mureza mukuru kwazvo, wadzikwa pachikomo ipapo.
5 zvino mureza uyu wakaita sevanhu vaakuda kupinda mudenga.
6 Kuzoti tadzoka tose tavamudivi gwayana rikati ndatyiswa kwazvo nemureza waiswa pamhiri apo.
7 Hapana wayisara dai tatongwa tose nhasi tayipinzwa tose mudenga.
8 Zvakadaro kana uyine tikiti remweya mutsvene unobabama kana wafa.
9 Unonzwa bhero rorira zvichinzi wakunda uyo, wogamuchirwa mudenga.
10 Kana wabva muruwoko rwevakatumiwa rinodaro shoko reMatenga.
11 Vanangu ndakamugadzirirai dzimba dzakanaka kana mafa.
12 Wuye munhu umwe neumwe une Guta ravo randakamugadzirira.
13 Kana wabva pano pasi uchanowona nzvimbo yako yakagadzirwa.
14 Tayifanira kukudza vaJehova zvazviri, mashoko aya neupenyu kana waarangarira. Amen.