Guta Ra Jehova
Lesson 26

Kuvakwa KweGuta Itsva

1 Kwakati rava zuva remangwana racho Matenga nevanhu vavo namambo pamwe vakasimuka kuyenda paGuta itsva iro rakanga ratsvagwa.

2 vakati vasvika ipapo vese pamwe.

3 Pakatangiswa kuvakwa misasa chete.

4 Umo maifana kugara vanhu. Asi baba vakavakirwa imba yemahadipepa ikapera zuva iroro.

5 Munhu nemunhu wese akanga aripo akavamba kufarira zvikuru nebasa guru rakaita Zimunya kupa Matenga nzvimbo yekuti vayitire basa.

6 mambo vanoti ivo vega neni zandityisawo.

7 ndakawona vanhu vazhinji zhinji vakauya kukumbira nzvimbo, vamwe vakauya kukumbira minda yekuti varime, vamwe mabhizinisi kuti wapfumiezvavo pasi pano, nezvimwe zizhinji.

8 Asi Matenga vandishamisa nekuti vada nzvimbo yokuponesera mweya yevanhu wese, anotenda kwavari anopona narini, panyama nepa mweya.

9 mambo Zimunya vanotizve ini ndageza maoko angu saPilatu akagezera mudhishi, asi ini ndinogezera mumwoyo wenyu.

10 Kana musingabatsisisi Matenga kana kusaidaira mitemo yeMatenga imhosa dzenyu.

11 Ini mambo ndabvuma kuti Matenga ayite basa munyika yangu, kuti tose tiwone kupona vanhu vaMwari tichiri munyika.

12 Raremagwana Matenga vanoti ndawona Zimunya vagadzwa ngudu ne negosana duku chete, asi handina kuwona zvigaro kwete, ndawona ngundu chete.

13 Matenga vanoti tasikakukenani kuneuchi nemukaka.

14 Takabva munyika yematambudziko.

15 Ndiyo nzvimbo yandaitsvaga usiku nemasikati.

16 Matenga vakati vamire pakati pevanhu vavo vanoti uchaziva here iwe mabarani , naJames maidakuuraiva kuti ndimi munoda kubvisa Matenga tichiri kuGuta ravo murikutotsakiwa ndivo vana herude.

17 Matenga vanoti tendai nehurukuru chete.

18 Matenga vanotize Matenga vavhurwa zvino, mushonga waburutswa wose kwazvo, ndopavanoti pindai muraini ndimurape, vanhu vose wakarapiwa.

19 Matenga vakanga vazere nemasimba zvinotyisa chaizvo.

20 Kuzoti rava zuva remangwana Matenga vakati mambo Mangwende vakatadza kwazvo zvikuru pamberi peMatenga.

21 Vakanditumira munhu kuti Matenga huya, Guta tavaka kare.

22 Shoko rataurwa, ndokuyendako akasvika onditandanisavze, nepamusana pemari.

23 Yaakatengerwa nayo, saka akazikeko ndita ndanisa, asi mari nechitama kwazvo.

24 Vakanditandanisa nenzira yokudamari chete.

25 Matenga vakati iye zvino vanaherude varikunditsvaga chaizvo.

26 Kuti ndisungwe ndishaye dzvimbo yekuti ndiitire basa raMwari, ndidzokereze kwekare, asi Matenga aramba.

27 Kuzoti nerimwe zuva Matenga vanoti zvanzi neMatenga vana herode vakoniwa, hapana nechavachaita.

28 Matenga vanoti munhu nemunhu ngaaise pfungwa pakadzama vanangu, nekuti Guta rino ndere kupedzisira, hapana achazovaka rimweGutazve.

29 vanhu vaivaka dzimba vachigara mimisasa yavakanga vagadzirawa chasika ipapo.

30 Chakashamisa ndechekuti hapana vakauya nematemo, kana majeko, kana migwara zvayo.

31 zviro zvose zvaindo wonekwa mwaanazvo chete.

32 vanhu vaiseenzesa, hazvina kumbonetsa kana uswa, kana mapango, hazvina nekumbonetsa kwete.

33 vanhu vainovaka chete, zuva nezuva dzikatangisa kuwanda kwazvo.

34 Pakavawo nekuvakwa kwemba yeMatenga.

35 vanhu vakatangisa kuuya mazana nemazana kuzoponeswa vachivakawo dzimba dzavo.

36 Chinhu chimwe ndechekuti tinotenda nekuti miti neuswa zvaingonzi temai zvenyu, uswa chekai pemunodira napo.

37 Guta iri rakavakiwa zuva nezuva vanhu vachivaka.

38 Matenga vaigara vachienda mugomo riripo rinonzi Dangari vaiyenda nguva nenguva.

39 Vaiti pamwe masikati pamwe manheru, pamwe kunze kwakuda kuyedza, tainzwa vamugomo imomo.

40 Vaidaidzira nezwi guru, 'YERA' vanhu vese vaimuka vouya mudivi .

41 Muyimbi John Ruze aitanga kuimba, rwiyo 100 Tenzi taunga mumba yenyu.

42 Matenga vaiwuya vakazara nemasimba kana kuti vayine chiporofiti chikuru.

43 Pamwe vaiwuya manheru vakazara nemasimba, pamwe mangwanani vachibva mugomo iroro, munotyisa kwirimo vega.

44 Kana munhu umwe mungambo kwirimo wega.

45 Nazvino vanondokwira vachinotora masimba ekuitisa navo basa, kana chinonge chatadzika, vanoto kwira mugomo, vochichemerera toregererwa neMatenga.

46 Uyu Matenga vanoshingaira mweya yedu siku nesikati kuti veAfrica tiponeyi tose.

47 vanhu vakavamba kuuya kwazvo, zuva nezuva.

48 Guta rika kura nekukura dzimba dzvika vakwa zhinji zhinji, dzimara dzikakwana mazana nemazana 1,145 dzimba dzakavakiwa paGuta raJehova mwaZimunya.

49 Imba yeMatenga yikavakiwawo.

50 Guta rakavakiwa nemavhiki mashomanani, rikamira kudaro semufanandizo mwawona.

51 zvakatyisana nemwoyo wangu.

52 Nekuti pasipano hapasati pambo vakwa dzimba dzakadaro, kana Guta rakambodaro nevakuru wedu.

53 Hamutyiswiwo here neizvozvo vanhu vaMwari.

54 Ndiro Jerusarema rakabva mudenga.