Kushanda Kwebasa
1 Pakandava paGuta ravo paiti nerimwe zuva Matenga vaidaidzira Jekiseni kuvanhu vavo, vanhu vairutsiswa, akadaidzira muteyo.
2 Kukashedzwa nezwi guru vanhu vairutsa kwazvo. Muviri yevanhu yaiswera yakati rukutu kwazvo.
3 Kana wadaidzira mweya yevanhu vaiswera kana kurara zvavo pasina chavanofunga kudya vasikambonzwi nenzara kwete.
4 Kana pevairapa madhimoni ayibuda mumaraini zvinotyisa chaizvo.
5 Abvunzwa aitaura mhosva dzavo nechaanoda pamunhu iyeye.
6 Kana nevatendi mafurumemba vaibudirwavo nemadhimoni kwazvo.
7 Asi vanhu vakabatsirwa zvikuru nekuti vamwe vaidya vana mudzimba, mamwe vaiva n'anga dzayi shopera.
8 Mamwe mazhinji ayita mbudza mudzimba dzevanhu vakatsaukana, asi ava vese vakabatsirwa.
9 nhasi vamwe vakugara zvakanaka mudzimba dzavo nenzira yeMatenga, vakabatsira mweya mizhinji yayitambudzvika munyika.
10 Kwakati nemumwe musi mangwanani kumba kwaMandaza.
11 Matenga vakati kumba kwenyu kune ngozi , asi yaiva nemukadzi wavo, ikabuda asi hayina kutaura, chinhu nenzira yemweya yakaipa wefodya rakanuhwa, hapana chakazotaurwa ipapo.
12 Ivo Matenga parikutaurazve kumwanasikana waChihota wakanzi anozvara mwanasikana anonzi Ruwadzano , zvikaitika saizvozvo.
13 Pakauya mukadzi wekumaeka akanga avakunuhwa rufu.
14 Asi Matenga vakashingaira naye kuti ararame.
15 Pakabuda mweya wetsvina dhimoni rekuroya rambuya vake vaiti roya seni.
16 Ndicho chikonzero hcehosha iyoyo yekunhuhwa rufu.
17 Akaponeswapa rufu neMatenga.
18 Mumwe musi pakauya musikana aiva nenhumbu yakanetsa chaizvo, yakatadzikana nemadhokotera nen'anga.
19 Asi akazouya paMatenga, akanamatirwa neMatenga.
20 Akazosununguka mwana wemukomana zita rake akanzi Razaro.
21 Achiri muura vaiwa nemweya mushoma nani.
22 Matenga vakapamidzira mweya akapona, Zvinoshamisa ndezvekuti vanhu vaMwari mwana uyu waitsanya kwema Svondo mairi asingamwi.
23 zvino mwana waChihota akanzi murume vako haugare naye, munorambana chete, zvikaitikawo saizvozvo.
24 Pakarambwana pakanzi pabviswa nhumbu, izvozvi hazvidiwi mudenga.
25 Ndizvo zvakanga zvoda kumuuraya nenzira yekubvisa nhumbu kwaakaita.
26 Kwakauya mumwe mudzimai aiva nedhimoni reuroyi.
27 Raizoti kana vanhu voimba robuda. Raizoisa mwoto kuti ridye nyama yevanhu, sekushanda kwaraizoita usiku.
28 Uyu mukadzi akaponeswa neMatenga, nekuti rakabiswa iro dhimoni raimudaro.
29 Kune zvizhinji zvakabiswa neMatenga muvanhu.
30 Nevazhinji vakadaira kuti uyu zvechokwadi chababa, vese iwowo vakapona.
31 Asi avo vasakadakuteera vakadzoka mumashure. Asihakuna kupona kwavari.