Zviratidzo Zvitsva MuGuta Itsva
1 vanhu paGuta raJehova vanoratidzwa zvinotyisa chaizvo.
2 Pakati nemumwe musi Matenga vakange vamire pakati pechita chavo chikuru kuru kwazvo.
3 Vanoti nhasi ndawona vakomana vaJeneti vaine zvikabudura chete.
4 Pakutanga zvakanga zvakaporofitwa kwaSeke kuGuta rekutanga Guta ravo.
5 Zvandakati tengai zvikabudura mukaramba, zvino ava vakanga vauya kuzowona Basa raMatenga chete.
6 Nanhasi iyi yunifomo yakakazowapo vanhu va paGuta itsva mwaZimunya.
7 vanhu vazhinji zhinji, vakuru nevadiki Vakapfeka nguwo idzi dzvemweya kwete kupfekera panyama asi pamweya nekuti zvatakawona hapana mukuru akambozvivonazveba.
8 Matenga vanotizve pane vatumwa va Beta naJames vanovachengeta, Ne apo vakange wachizopfutsira mbaura yeMatenga.
9 Iyeye mutumwa mukuru.
10 Kune vamwe vatumwa vanochengeta imba yeMatenga apo yakanga yichivakwa, vaigarapo siku nesikati vaoripo.
11 Matenga vanotizve pane mumwe mukuru wendanga ndisinga zivi, zita rake anonzi Aron, ndiye anochengeta Guta rino, mukuru chaizvo.
12 Nerimwe zuva Matenga vamire pamberi pevanhu vavo vachitaura nezvedenga, vakati nhasi ndawoneswa zvikuru kwazvo.
13 Nen'anga yangu yinondirapa yinonzi ndiSAMUEL mukuru kwazvo, anendebvu huru chaizvo.
14 Ndiye anondisisira mashoko kuna baba.
15 Kana ndatadza, ndiye anondirwirawo.
16 Anoti hamuziviwo here kuti makamupa basa ndoregererwa.
17 Nemishonga ndiye anouya nayo iye SAMUEL.
18 Iye mutumwa uyu ndiye anondikumbirira izvo ndinorapa ndizvo zvose, ipipi guru irori.